YouVersion Logo
Search Icon

Nziyo 60

60
Muimbisi, rumbo urwu rwunoimbwa maimbiro aRuva rouchapupu. Inhetembo yaDhavhidhi. Ndeyokudzidzisa nayo. Yakaitwa paakarwisana nevokuAramunaharaimu nevekuAramuzobha uye Joabhu paakauraya zviuru gumi nezviviri zvavaEdhomu Mubani roMunyu pakudzoka kwake.
Munamato wokukumbira kununurwa
1Mwari makatirasa imi
mukaparadza zvatinozvidzivirira nazvo
makashatirwa.
Dai machidzokera zvenyu kwatiri.
2Makazunza nyika
mukaibvarura.
Namai mitswe yayo
nokuti iri kundengendeka.
3Makaita kuti vanhu venyu vatambure zvikuru;
makatipa waini yakatidzedzeresa.
4Makasimudzira vanokutyai mureza
kuti vahwande nechokwadi.#60:4 Nechokwadi: Zvimwe zvinyorwa zvinoti uta.
Dzepfunde.
5Kuitira kuti vapamwoyo penyu vaponeswe,
tiponesei nesimba roruoko rwenyu
mutipindurewo.
6Mwari akatsidza noutsvene hwake achiti,
“Ndichaganhura Shikemu ndichifara
ndichagovawo mapani eSukoti.
7Nyika yeGiriadhi ndeyangu
Manase ndeyangu
Efuremu inguwani yangu,
Judha ndiyo tsvimbo yangu youmambo
8Moabhu ndiyo mudziyo wangu
wokugezera,
pane yeEdhomu ndipo pandinokanda
shangu dzangu
Firisitia ichapururudzira kukunda kwangu.”
9Ko zvino ndiani anonditsvitsa
kuguta kunhare yokuzvidzivirira naro muhondo.
Ndiani achanditungamirira kuEdhomu?
10Hamuna kutirasa here
nhai Mwari?
Hamuchaperekedzi hondo dzedu, Mwari.
11Tibatsireiwo kurwisa mhandu dzedu
nokuti rubatsiro rwomunhu haruna maturo.
12Kana Mwari anesu
tinorwisa zvine simba
ndiye achatsikatsika mhandu dzedu.

Currently Selected:

Nziyo 60: SCLBC

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in