Nziyo 58
58
Muimbisi, imbisa saUsaparadze, rwiyo urwu rwaDhavhidhi rwenhetembo yokudetemba.
Mwari mutongi wavatongi
1Imi madzishe
zvamunotema zvine ruenzaniso here?
Munotonga vanhu zviri pamutsetse here?
2Kwete, imi mumwoyo menyu munoronga
zvisina kunaka;
munoita utsinye panyika namaoko enyu.
3Vakaipa vanotsauka
kubvira mudumbu;
vanokanganisa kubvira pakuberekwa kwavo
vachitaura nhema.
4Vane uturu, uturu hunenge hwenyoka
sechiva chinodzivira nzeve dzacho
5kuti chirege kunzwa
izwi ravadaidzi wenyoka
kana roujarijari hwamapipi okuimba.
6Mwari, tyoranisai mazino mukanwa mavo
kwachurai TENZI mazino marefu
eshumba dzechidiki.
7Ngavanyangarike semvura inoyerera;
ngavatsikirirwe souswa vaune.
8Ngavaite sehozhwa inonyungudika
kuita masiriri,
semwana akaberekwa asina kusvika
asingambofa akaona chiedza.
9Hari dzenyu dzisati dzambonzwa
moto wetsotso dzeminzwa minyoro kana yakaoma
Mwari ngaavatsvaire.
10Mururami achafara paanoona kutsividza ikoko.
Achatoshamba zvake tsoka dzake
muropa ravakaipa.
11Vanhu vachati chokwadi
pane mubayiro wavarurami;
chokwadi kuna Mwari anotonga panyika.
Currently Selected:
Nziyo 58: SCLBC
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.