YouVersion Logo
Search Icon

Nziyo 149

149
Rumbo rwokuimba kana vanhu vakunda
1Areruya.
Imbirai TENZI rumbo rutsva
murumbidzei mugungano ravakarurama.
2Isiraeri ngaifare noMusiki wayo;
vana veZioni ngavafare naMambo wavo.
3Ngavarumbidze zita rake vachitamba,
vachiridza tambureni nezvipendani
4nokuti TENZI anofadzwa navanhu vake
anokudza varombo
nokuita kuti vakunde.
5Vakarurama ngavapembere kukurira.
Ngavaimbe norufaro vari mumasofa avo.
6Ngavapururudze namagure pahuro
vaine mapakatwa omucheka kose mumaoko.
7Kutsividza vechirudzi
uye kuranga marudzi
8vachisunga madzimambo avo nengetani
namachinda avo namakechemu esimbi
9kuti vavape chirango chakanyorwa.
Iyi ndiyo mbiri yavakarurama vake vose.
Areruya.

Currently Selected:

Nziyo 149: SCLBC

Highlight

Share

Compare

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in