YouVersion Logo
Search Icon

Nziyo 146

146
Kurumbidza Mwari muponesi wavanhu
1Rumbidza TENZI
rumbidza TENZI iwe mweya wangu.
2Ndicharumbidza TENZI chero ndichiri mupenyu,
ndichaimba ndichirumbidza
Mwari wangu ndichiri mupenyu.
3Usavimbe namachinda,
kuvimba nomunhu asina chaanobatsira.
4Mweya wake paunobuda,
anodzokera kuvhu rake,
pazuva iroro zvirongwa zvake
zvinobva zvaparara.
5Akakomborerwa zvake munhu
anobatsirwa naMwari waJakobho
anovimba naTENZI Mwari wake
6akasika denga napasi
negungwa nazvose zvirimo
anochengeta chitsidzo chake nokusingaperi.
7Anoona kuti vakadzvinyirirwa
vaitirwa zvino ruenzaniso
anopa chokudya vane nzara
TENZI anosunungura vasungwa.
8TENZI anosvinudza meso amapofu
TENZI anosimudzira vanenge varasiswa mwoyo
TENZI anoda vakarurama.
9TENZI anotarisa vatorwa
anotsigira chirikadzi nenherera
asi nzira yavakaipa anoiparadza.
10TENZI achatonga nokusingaperi,
Mwari wako iwe guta reZioni,
pazvizvarwa nezvizvarwa.
Areruya.

Currently Selected:

Nziyo 146: SCLBC

Highlight

Share

Compare

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in