Nziyo 127
127
Rumbo rwaSoromoni rwokukwidza narwo kumusoro.
Kuvimba nerubatsiro rwaMwari
1Kana TENZI asina kuvaka imba,
vanoivaka vanoshandira pasina
kana TENZI asina kuchengetedza guta
Varindi vanorindira pasina.
2Kufumomuka kwenyu
nokunonoka kundorara munozviitira pasina chimuko
muchionera nhamo chamunodya
nokuti anopa kune wake wapamwoyowo arere zvake.
3Tarisai muone kuti
vana inhaka inobva kuna TENZI,
muchero wenhumbu mubayiro wacho.
4Vana vopaujaya
vakafanana nemiseve
iri muchanza chomurwi.
5Akakomborerwa zvake munhu
ane goba rizere navo.
Haambonyaranyara paanotaura
nomuvengi wake padare.
Currently Selected:
Nziyo 127: SCLBC
Highlight
Share
Compare
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.