YouVersion Logo
Search Icon

Nziyo 125

125
Rumbo rwokukwira narwo kumusoro.
Mwari ndiye anochengetedza vanhu vake
1Vanovimba naTENZI
vakafanana negomo reZioni
risingazunguziki, rinogara nokusingaperi.
2Sezvakangoita makomo akatenderedza Jerusaremu,
ndizvo zvakaita TENZI
akatenderedzawo vanhu vake
kubvira zvino kusvika nokusingaperi kose.
3Hapana anoumambo hwakaipa achagara munyika
yakasarudzirwa vakarurama,
vakarurama vangadaro vakazopinda
mukuita zvakaipa.
4TENZI itai zvakanaka kuna vakanaka
uye kuvanhu vari pachokwadi
mumwoyo mavo.
5Asi vanotsaukira kunzira dzavo dzakaipa
TENZI achavatinha pamwechete navakaipa
Isiraeri ngaive norugare.

Currently Selected:

Nziyo 125: SCLBC

Highlight

Share

Compare

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in