YouVersion Logo
Search Icon

Nziyo 113

113
Kurumbidza Mwari wakanaka
1Areruya.
Imi varanda vaTENZI rumbidzai,
rumbidzai zita raTENZI.
2Zita raTENZI ngarirumbidzwe
kubvira zvino kusvikira nokusingaperi.
3Kubvira pakubuda kwezuva
kusvika pakudoka kwaro,
zita raTENZI ngarirumbidzwe.
4TENZI ari pamusoro pamarudzi ose
mbiri yake inorumbidzwa
kumusoro kwamatenga.
5Ndiani akaita saTENZI Mwari wedu
kumusoro ndokwaagere?
6Anotoita zvokukotamira pasi
kuti aone matenga napasi.
7Anobvisa varombo muhuruva
achisimudza vasina chavanacho kubva mudota
8achivagarisa namachinda,
namachinda avanhu vake.
9Anopa mudzimai asina mbereko musha
achimuita amai vavana vanofara.
Areruya.

Currently Selected:

Nziyo 113: SCLBC

Highlight

Share

Compare

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in