Nziyo 110
110
Mwari naMambo waakazvisarudzira
Rwiyo rwaDhavhidhi.
1TENZI akati kuna TENZI wangu,
“Uya ugare kurudyi kwangu
kusvikira ndaisa vavengi vako
pasi petsoka dzako.”
2TENZI anotumira kubva muZioni
simba rako guru rokutonga.
“Tonga pakati pavavengi vako.”
3Vanhu vako vachazvipira nomwoyo unoda
pauchatungamirira hondo yako
pamakomo ako anoera
kubvira kumangwanani-ngwanani?
Sedova, vechiduku vako vachauya kwauri.
4TENZI akapika
uye haachasanduka mwoyo kuti,
“Uri mupristi nokusingaperi
wegovero raMerekizedheki.”
5TENZI ari kurudyi rwako
achaparadza madzimambo
pazuva rake rehasha.
6Achatonga mukati mendudzi dzavanhu
maachazadza nezvitunha,
achaparadza vatungamiri
kusvika kure kure chaiko.
7Iye achanwa murukova
ruri pedyo nenzira,
saka ndiye chete anenge akasimudza musoro.
Currently Selected:
Nziyo 110: SCLBC
Highlight
Share
Compare
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.