YouVersion Logo
Search Icon

Rute 1

1
Nhamo dzaNaomi, uye Rute anoramba kuparadzana naye
1Zvino namazuva okutonga kwavatongi nzara yakanga iripo panyika. Mumwe murume weBheterehemu-judha akandogara panyika yaMoabhu, iye nomukadzi wake navanakomana vake vaviri. 2Zita romurume rakanga riri Erimereki, nezita romukadzi wake Naomi; mazita avanakomana vake vaviri aiva Maroni naKirioni, vaEfurata veBheterehemu-judha. Ivo vakasvika panyika yaMoabhu, vakagarako. 3Zvino Erimereki murume waNaomi, akafa, iye akasiyiwa navanakomana vake vaviri. 4Ivo vakazviwanira vakadzi kuvaMoabhu; zita romumwe raiva Oripa, nezita romumwe Rute; vakagarako makore anenge gumi. 5Maroni naKirioni vakafawo, vose vari vaviri, mukadzi akasiyiwa asina vanakomana vake vaviri nomurume wake.
6Ipapo akasimuka navakadzi vavana vake, achida kubva kunyika yaMoabhu; nokuti wakanga anzwa achiri panyika yaMoabhu, kuti Jehovha wakarangarira vanhu vake, akavapa zvokudya. 7Akabva kwaakanga ari navakadzi vavana vake vaviri, vakafamba nenzira inodzokera kunyika yaJudha. 8Zvino Naomi akati kuvakadzi vavana vake vaviri, “Endai, dzokerai mumwe nomumwe kumba kwamai vake; Jehovha ngaakuitirei zvakanaka, sezvamakaitira vakafa neniwo. 9Jehovha ngaakuzorodzei, mumwe nomumwe mumba momurume wake.” Akavatsvoda, ivo vakachema kwazvo. 10Vakati kwaari, “Kwete, tichaenda nemi kana modzokera kuvanhu venyu.”
11Naomi akati, “Dzokai, vana vangu, muchaendereiko neni? Ini ndichina vamwe vanakomana mumuviri wangu vangazova varume venyu here? 12Dzokai, vana vangu, endai henyu, nokuti ini ndachembera, handingawanikwi nomurumezve. Kunyangwe ndikati; ndichine tariro kuti ndingabereka vanakomana, kana ndaiva nomurume usiku hwuno, 13mungavamirira kusvikira vakura here? Mungaramba kuwanikwa navamwe varume naizvozvo here? Kwete, vana vangu, nokuti ndine shungu kwazvo nokuda kwenyu, nokuti ruoko rwaJehovha runorwa neni.”
14Ipapo vakachemazve kwazvo, Oripa akatsvoda vamwene vake, asi Rute wakavanamatira. 15Akati, “Tarira, vakoma vako vadzokera kuvanhu vako, nokumwari wake; dzoka newewo, utevere vakoma vako.”
16Rute akati, “Musandirwaririra kuti ndikusiyei, ndirege kukuteverai; nokuti pamunoenda neni ndichaendapowo; pamunovata, neni ndichavatapowo; navanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu achava Mwari wangu; 17pamunondofira, ndipo pandichandofira neniwo, ndipo pandichavigwawo; Jehovha ngaandirove, arambe achidaro, kana imi neni tikaparadzaniswa nechinhu, asi norufu bedzi.”
18Zvino wakati achiona kuti watsungirira kwazvo kuenda naye, akarega kuzotaura naye.
19Naizvozvo ivavo vaviri vakafamba kusvikira paBheterehemu. Zvino vakati vachisvika paBheterehemu, guta rose rikashamiswa pamusoro pavo; vakadzi vakati, “Uyu ndiye Naomi here?”
20Akati kwavari, “Regai kundiidza Naomi, asi mundiidze Mara, nokuti waMasimbaose wakandiitira zvinovava kwazvo. 21Ndakabuda ndizere, Jehovha akandidzoserazve kumusha ndisina chinhu; munondiidzireiko Naomi, Jehovha zvaakandipupurira mhosva, waMasimbaose zvaakandimanikidza?”
22Naizvozvo Naomi akadzoka naRute muMoabhu, mukadzi womwana wake, vachibva kunyika yaMoabhu; vakasvika paBheterehemu vanhu votanga kukohwa bhari.

Currently Selected:

Rute 1: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy