YouVersion Logo
Search Icon

Mapisarema 54

54
Dhavhidhi anonyengetera kuti arwirwe pavavengi vake
Kumutungamiriri wokuimba; nemitengeranwa. Rwiyo rweMashiri rwaDhavhidhi, panguva yakasvika vaZifi kuna Sauro, vakati, “Dhavhidhi haazinovanda kwatiri here?”
1Ndirwirei Mwari, nezita renyu,
Nditongerei nesimba renyu.
2Inzwai munyengetero wangu, Mwari;
Rerekerai nzeve yenyu munzwe
mashoko omuromo wangu.
3Nokuti vatorwa vakandimukira,
Vamanikidzi vakatsvaka mweya wangu.
Havana kuisa Mwari pamberi pavo.
4Tarirai, Mwari ndiye mubatsiri wangu.
Ishe ari pakati pavanotsigira mweya wangu.
5Achatsiva zvakaipa kuvavengi vangu;
Muvaparadze nokutendeka kwenyu.
6Ndichakubayirai nechipiriso chokungopa nokuzvidira;
Ndichavonga zita renyu, Jehovha, nokuti rakanaka.
7Nokuti akandirwira pakutambudzika kwose;
Ziso rangu rakaona kukundwa kwavavengi vangu.

Currently Selected:

Mapisarema 54: SNA2002

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in