Mapisarema 52
52
Akaipa ngaarege kuva namanyawi nokuti Jehovha anochengeta vanhu vake vakarurama
Kumutungamiriri wokuimba. Rwiyo rweMashiri rwaDhavhidhi; panguva yakasvika Dhoegi muEdhomu akaudza Sauro, achiti, “Dhavhidhi asvika paimba yaAhimereki.”
1Unozvirumbidzireiko nezvakashata, iwe mhare?
Tsitsi dzaMwari dziripo misi yose.
2Rurimi rwako runofunga kutaura zvakaipa;
Rwakafanana nechisvo chinopinza,
ruchiita zvinonyengera.
3Unoda zvakaipa kupfuura zvakanaka;
Nokureva nhema kupfuura kutaura zvakarurama.
4Unoda mashoko ose okuparadza,
Iwe rurimi runonyengera.
5Mwari achakuparadzawo saizvozvo nokusingaperi,
Achakubata akakubvisa patende rako,
Nokukudzura panyika yavapenyu.
6Vakarurama vachazviona vakatya,
Vachamuseka, vachiti,
7“Tarirai, hoyu munhu asina kuita
Mwari nhare yake,
Asi akavimba nokuwanda kwepfuma yake,
Akazvisimbisa pazvakaipa zvake.”
8Asi kana ndirini, ndakafanana
nomuorivhi munyoro muimba yaMwari;
Ndinovimba netsitsi dzaMwari nokusingaperi-peri.
9Ndichakuvongai nokusingaperi, nokuti
ndimi makazviita;
Ndichamirira zita renyu pamberi pavatsvene
venyu nokuti rakanaka.
Currently Selected:
Mapisarema 52: SNA2002
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002