YouVersion Logo
Search Icon

Firimoni 1

1
Kwaziso
1Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti, hama yedu, kuna Firimoni, mudikanwi wedu noanobata nesu, 2nokunaAfia, hanzvadzi yedu, nokunaAkipo, murwi pamwechete nesu, nokukereke iri mumba mako:
3Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kuna Mwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu.
Kuvonga kwaPauro pamusoro porudo rwaFirimoni
4Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose, kana ndichikurangarira pakunyengetera kwangu, 5zvandinonzwa zvorudo rwako nokutenda kwaunako kunaShe Jesu nokuvatsvene vose; 6kuti kugovana kwokutenda kwako kuve nesimba, kuti zvakanaka zvose zviri mukati medu kuna Kristu zvizikanwe; 7nokuti ndakanga ndinomufaro mukuru nokunyaradzwa nokuda kworudo rwako, nokuti mwoyo yavatsvene yakazorodzwa newe, hama yangu.
Pauro anoreverera Onesimo
8Naizvozvo, kunyange ndisingatongotyi muna Kristu kukurayira kuita zvakafanira, 9kunyange zvakadaro, nokuda kworudo ndinoita zvokukumbira zvikuru, zvandakadai hangu, ini Pauro, mutana, uye zvino musungwa waKristu Jesu.
10Ndinokumbira zvikuru kwauri pamusoro pomwana wangu, wandakabereka pakusungwa kwangu, Onesimo, 11akanga asingakubatsiri kare, asi zvino anobatsira zvikuru, iwe neni; 12ndinomudzosera kwauri, iye amene, mwoyo wangu chaiwo; 13ndaida kuti agare neni, kuti panzvimbo yako andishumire pakusungwa kwangu nokuda kweVhangeri; 14asi ndakanga ndisingadi kuita chinhu, iwe usati watenda, kuti zvakanaka zvaungaita zvirege kuitwa nokurovererwa, asi nokuda kwako.
15Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti ugozova naye nokusingaperi; 16arege kuzova muranda, asi munhu anopfuura muranda, ave hama inodikanwa, panyama nomunaShe, zvikuru kwandiri, asi zvikuru kwazvo kwauri.
17Zvino kana uchiti ndiri mugovani newe, umugamuchire sezvaungandigamuchira ini. 18Asi kana akakuitira chinhu chisakarurama, kunyange ane ngava newe, undiravireni izvozvo.
19Ini Pauro, ndinozvinyora noruoko rwangu, ndicharipa; ndisingarevi hangu kuti pamusoro pezvose une ngava kwandiri, ndiyewe umene. 20Hongu, hama, ngandive nomufaro kwauri munaShe; uzorodze mwoyo wangu muna Kristu.
21Ndinokunyorera, nokuti ndinotenda kuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaitawo kupfuura pandinoreva napo. 22Asi ndigadzirirewo pokugara, nokuti ndinotarira kuti muchandipiwa ini nokuda kwokunyengetera kwenyu.
23Epafirasi, musungwa pamwechete neni muna Kristu, anokukwazisa. 24NaMako, naArisitakusi, naDhemasi, naRuka, vanobata basa pamwechete neni.
25Nyasha dzaShe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu.

Currently Selected:

Firimoni 1: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy