YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 24

24
Kumuka kwaJesu
(Mateu 28:1-10; Mako 16:1-8; Johani 20:1-10)
1Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kubwiro, vakabata zvinonhuwira, zvavakanga vagadzira. 2Vakawana ibwe rakunguruswa, rabviswa pabwiro, 3vakapinda, vakashayiwa chitunha chashe Jesu. 4Zvino vakati vachakanganiswa nazvo, tarira, varume vaviri vakamira navo vane nguo dzinopenya; 5zvino nokutya kwavo vakakotamira pasi nezviso zvavo, ivo vakati kwavari, “Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa?
6“Haapo pano, amuka. Fungai zvaakakuudzai achiri Gariria, 7kuti, ‘Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avanhu vakaipa aroverwe pamuchinjikwa, agomuka nezuva retatu.’ ”
8Ipapo vakarangarira mashoko ake, 9vakadzoka vachibva kubwiro, vakaudza vane gumi nomumwe navamwe vose zvinhu izvozvo zvose.
10Vaiva Maria Magadharina naJohana naMaria, mai vaJakobho, navamwe vakadzi vaiva navo, vakandoudza vapostori izvozvo. 11Mashoko awa akaita soupenzi kwavari; vakasaatenda.
12Zvino Petirosi akasimuka, akamhanyira kubwiro; akakotama, akaona micheka iri yoga; ndokudzoka kumba, ashamiswa nezvakanga zvaitwa.
Jesu anosangana navaviri vanoenda Emausi
(Mako 16:12, 13)
13Pazuva iroro vamwe vaviri vavo vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, wakanga uri kure neJerusaremu masitadhi ana makumi matanhatu; 14vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika. 15Zvino vakati vachataurirana nokubvunzana, Jesu amene akaswedera, akafamba navo.
16Asi meso avo akanga abatwa, vakasamuziva. 17Akati kwavari, “Mashoko amunotaurirana pamusoro pawo muchifamba, ndeeiko?” Vakamira vane shungu pamwoyo. 18Mumwe wavo, wainzi Kiropasi, akapindura, akati kwaari, “Ko ndiwe woga ugere muJerusaremu somutorwa, asingazivi zvakaitwamo mazuva ano here?”
19Akati kwavari, “Zvinyiko?” Vakati kwaari, “ZvaJesu weNazareta, aiva muporofita ane simba pabasa napashoko pamberi paMwari napavanhu vose; 20uye kuti vapristi vakuru navashandi vedu vakamuisa kuvatongi kuti atongerwe rufu, vakamurovera pamuchinjikwa. 21Takanga tichiti ndiye aizodzikinura vaIsiraeri; uye pamusoro paizvozvo zvose, nhasi rava zuva retatu kubva pakuitwa kwazvo.
22“Uyezve, vamwe vakadzi vokwedu, vakanga vafumira kubwiro, vakatishamisa; 23nokuti vakati vachishayiwa chitunha chake, vakauya vachiti, vaona chiratidzo chavatumwa vaiti mupenyu.
24“Zvino vamwe vaiva nesu, vakaenda kubwiro, vakandozviwana sezvavakareva vakadzi; asi iye havana kumuona.”
25Zvino iye akati kwavari, “Imi vokusafunga, mune mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaporofita!
26“Kristu akanga asingafaniri kutambudzika saizvozvo, agopinda mukubwinya kwake here?”
27Ipapo akatanga kuna Mosesi navaporofita vose, akavadudzira zvakanyorwa pamusoro pake muMagwaro ose. 28Zvino vakaswedera kumusha kwavakanga vachienda; iye akaita sooda kupfuura. 29Vakamugombedzera, vachiti, “Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira.” Ipapo akapinda kundogara navo.
30Zvino akati agara navo pakudya, akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa. 31Ipapo meso avo akasvinudzwa, vakamuziva; akanyangarika kwavari. 32Vakataurirana, vachiti, “Ko mwoyo yedu yakanga isingapisi mukati medu, achitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here?”
33Vakasimuka nenguva iyo, vakadzokera Jerusaremu, vakawana vane gumi nomumwe navaiva navo vakaungana. 34Ivo vakati, “Ishe amuka zvirokwazvo; aonekwa naSimoni.”
35Vakarondedzera zvakaitika munzira, uye kuti akazikanwa navo sei pakumedura chingwa.
36Vakati vachataura izvozvo, akamira pakati pavo amene, akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi!”
37Asi vakavhunduka, vakatya kwazvo, vakati zvimwe vaona mweya. 38Akati kwavari, “Munotambudzika neiko? Mifungo inomukireiko mumwoyo yenyu? 39Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndimene. Ndibatei, muone, nokuti mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunondiona ndinazvo ini.”
40Akati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake netsoka dzake. 41Zvino vakati vachigere kutenda nokufara kwavo, vachashamiswa, akati kwavari, “Mune zvokudya pano here?” 42Vakamupa nhindi yehove yakagochwa. 43Akatora, akadya vachizviona.
44Akati kwavari, “Ndiwo mashoko angu, andakakuudzai ndichiri nemi, kuti zvose zvakanyorwa pamusoro pangu pamurayiro waMosesi, napavaporofita, napaMapisarema, zvinofanira kuitika.”
45Ipapo akadziura kuziva kwavo, kuti vanzwisise Magwaro. 46Akati kwavari, “Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu achatambudzika, agomuka kuvakafa nezuva retatu; 47kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeuka nokukanganwirwa zvivi, vachitanga muJerusaremu. 48Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi. 49Tarirai, ndinotuma pamusoro penyu chipikirwa chaBaba vangu; asi imi garai muguta, kusvikira mapiwa simba rinobva kumusoro.”
Kukwira kwaJesu
(Mako 16:19-20; Mabasa 1:9-11)
50Zvino akavatungamirira kunze kweguta kusvikira pakatarisana neBhetania, ndokutambanudza maoko ake, akavaropafadza. 51Akati achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga. 52Ipapo vakamunamata, vakadzokera Jerusaremu vanomufaro mukuru. 53Vakarambira mutemberi, vachirumbidza Mwari.

Currently Selected:

Ruka 24: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy