YouVersion Logo
Search Icon

Revhitiko 27

27
Mirairo yemhiko neyezvegumi
1Jehovha wakataura naMosesi akati, 2“Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Kana munhu akazvisunga nokupika kukuru, vanhu ngavave vaJehovha sezvaunotara iwe. 3Kana uchitara mutengo womurume una makore ana makumi maviri kusvikira pamakumi matanhatu, kutara kwako ngakuite mashekeri makumi mashanu esirivha, uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene.’ 4Kana ari mukadzi, kutara kwako ngakuite mashekeri makumi matatu esirivha.
5Kana ana makore anobva pamashanu
kusvikira pamakore makumi maviri,
kutara kwako kwomurume ngakuite
mashekeri makumi maviri,
nokwomukadzi mashekeri ane gumi.
6Kana anomwedzi mumwe kusvikira pamakore mashanu,
kutara kwako kwomurume ngakuite
mashekeri mashanu esirivha,
nokutara kwako kwomukadzi ngakuite
mashekeri matatu esirivha.
7Kana ana makore makumi matanhatu naanopfuura,
kana ari murume,
kutara kwako ngakuite
mashekeri ane gumi namashanu,
kana ari mukadzi mashekeri ane gumi.
8“Kana ari murombo, asingasviki pakutara kwako, anofanira kuiswa pamberi pomupristi, kuti mupristi amutarire; mupristi anofanira kumutarira iye wakapika sezvaangagona kuripa.
9“Kana chiri chipfuwo chinopiwa Jehovha, chokutenda nacho, zvose zvacho zvinopa munhu Jehovha zvinofanira kuva zvitsvene. 10Haafaniri kuzvishandura kana kutsinhanhisa chakaipa nechakanaka, kana chakanaka nechakaipa; kana atsinhanhisa chipfuwo nechipfuwo, icho nechakatsinhiwa, zvose zviri zviviri zvinofanira kuva zvitsvene. 11Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, chisingapiwi Jehovha chokutenda nacho, chipfuwo icho chinofanira kuiswa kumupristi; 12zvino mupristi anofanira kuchitarira mutengo, kana chakanaka kana chakaipa; sezvawakachitarira iwe mupristi, ndizvo zvachichaita. 13Zvino kana achida kuchidzikinura, anofanira kuwedzera cheshanu chacho pakutara kwako.
14“Kana munhu achiita imba yake tsvene, kuti ive tsvene kuna Jehovha, mupristi anofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; sezvainotarirwa nomupristi, zvinofanira kuramba zvakadaro. 15Kana iye wakaita imba yake tsvene achida kuidzikinura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakatara iwe, ipapo ichava yake.
16“Kana munhu akaitira Jehovha ndima yomunda wake tsvene, iwe unofanira kuitarira mutengo uchienzanisa nezvakadyarwamo; homeri imwe yebhari yakadyarwa iite mashekeri makumi mashanu esirivha.
17“Kana achiita munda wake mutsvene kubva pagore rejubheri, sezvawakautarira iwe, zvinofanira kuramba zvakadaro. 18Asi kana achitsaura munda wake shure kwegore rejubheri, mupristi anofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kusvikira pagore rejubheri; zvino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako. 19Kana munhu wakatsaura munda wake achida kuudzikinura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakamutarira, ugova wake. 20Kana asingadi kudzikinura munda, kana zvimwe achinge atengesa munda kuno mumwe, haungazodzikinurwi; 21asi munda uyu, kana uchisunungurwa negore rejubheri, unofanira kuva mutsvene kuna Jehovha, somunda wakayeriswa; uchava womupristi. 22Kana achitsaurira Jehovha munda waakatenga, usati uri munda wenhaka yake, 23mupristi anofanira kumutarira mutengo sezvawakatara iwe kusvikira pagore rejubheri; zvino iye anofanira kuripa mari sezvawakatara iwe, chive chinhu chitsvene kuna Jehovha. 24Pagore rejubheri munda unofanira kudzokera kumunhu waakanga atenga kwaari, kuna iye wakanga ari muridzi wenyika. 25Kutara kwako kwose kunofanira kuenzaniswa neshekeri rapanzvimbo tsvene; shekeri rimwe rinoita magera maviri.
26“Asi mwana wemhongora pakati pezvipfuwo, uri waJehovha zvauri mwana wemhongora, ngakurege kuva nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndezvaJehovha. 27Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, unofanira kuchidzikinura sezvawakachitarira iwe, achiwedzerawo cheshanu chacho; kana chisingadzikunurwi, chinofanira kutengeswa sezvawakachitarira iwe.
28“Kunyange zvakadaro, hakune chinhu chakayeriswa, chakayerisirwa Jehovha nomunhu pazvose zvaanazvo, kana chiri chavanhu, kana zvipfuwo, kana munda wenhaka yake, chingatengeswa kana kudzikinurwa; chinhu chipi nechipi chakayeriswa, chinofanira kuva chitsvene kwazvo kuna Jehovha. 29Munhu upi noupi wakayeriswa, kana ari munhu wakayeriswa kuvanhu, haangadzikinurwi; anofanira kuurawa zvirokwazvo.
30“Zvegumi zvose zvenyika, kana zviri zvembeu dzenyika, kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha. 31Kana munhu achida kudzikinura chimwe pazvegumi zvake, anofanira kuwedzera kwachiri cheshanu chacho. 32Zvegumi zvose zvemombe, kana zvezvipfuwo zviduku, zvose zvinopfuura napazasi petsvimbo, chegumi chinofanira kuva chitsvene kuna Jehovha. 33Haafaniri kucherekedza kana chiri chakanaka kana chakaipa, kana kuchitsinhanhisa nechimwe; kana achinge atsinhanhisa nechimwe, zvose zviri zviviri, icho nechakatsinhiwa, zvichava zvitsvene; hazvingadzikinurwi.”
34Ndiyo mirairo yavana vaIsiraeri yakarairwa Mosesi naJehovha pagomo reSinai.

Currently Selected:

Revhitiko 27: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy