YouVersion Logo
Search Icon

Revhitiko 1

1
Mirairo yezvipiriso zvinopiswa
1Zvino Jehovha wakadana Mosesi, akataura naye ari mutende rokusangana, akati, 2“Taura navana vaIsiraeri, uti, kwavari, ‘Kana mumwe wenyu achida kuvigira Jehovha chipo chake, munofanira kumuvigira zvipo zvenyu zvezvipfuwo, kana zvemombe kana zvamakwai.’
3“Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chemombe, anofanira kuvigira mukono usina mhosva; ngaachibayire pamukova wetende rokusangana, kuti agamuchirwe pamberi paJehovha. 4Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chinopiswa, kuti chigamuchirwe panzvimbo yake, chimuyananisire. 5Ngaabaye nzombe pamberi paJehovha, vanakomana vaAroni, vapristi, vagouya neropa, vasase ropa kunhivi dzose dzeatari, iri pamukova wetende rokusangana. 6Zvino ngaavhiye chipiriso chinopiswa, nokuchigura-gura.
7“Zvino vanakomana vaAroni, mupristi, ngavaise moto paatari, nokugadzirawo huni pamusoro pomoto. 8Ipapo vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kugadzira nhindi, nomusoro, namafuta pamusoro pehuni dziri pamoto uri pamusoro peatari. 9Asi ngaasuke hura hwacho namakumbo acho nemvura, mupristi agopisa zvose paatari, chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
10“Kana chipo chake chiri chipiriso chinopiswa chezvipfuwo zviduku zvamakwai kana mbudzi, anofanira kuvigira mukono usina mhosva.
11“Ngaachibaye parutivi rweatari nechokumusoro pamberi paJehovha; zvino vanakomana vaAroni, vapristi, vanofanira kusasa ropa racho kunhivi dzose dzeatari. 12Ipapo anofanira kugura-gura nhindi pamwechete nomusoro wacho namafuta acho, mupristi agozvigadzira pamusoro pehuni dziri pamoto pamusoro peatari. 13Asi hura namakumbo ngaazvisuke nemvura, mupristi agozvibayira zvose, nokuzvipisira paatari, kuti chive chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
14“Kana chipo chake kuna Jehovha chiri chipiriso chinopiswa cheshiri, ngaavigire chibayiro chake chenjiva, kana twana twenjiva. 15Zvino mupristi anofanira kuchiisa paatari, agodonhedzera ropa racho parutivi rweatari; 16zvino anofanira kutora chihururu chayo neminhenga yayo, ndokuzvirasa kurutivi rweatari kumabudazuva kunoraswa madota. 17Ipapo anofanira kuibvambura namapapiro ayo asingaiparadzanisi, mupristi agoipisa paatari pamusoro pehuni dziri pamoto; icho chipiriso chinopiswa, chipiriso chakaitwa nomoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.

Currently Selected:

Revhitiko 1: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy