YouVersion Logo
Search Icon

Judhasi 1

1
Kwaziso
1Judhasi, muranda waJesu Kristu, munun'una waJakobho, kuna vakadanwa, vakadikanwa muna Mwari Baba, vakachengetererwa Jesu Kristu: 2Ngoni, norugare, norudo ngazviwanzwe kwamuri.
Vadzidzisi venhema
3Vadikanwi, ndakati ndichishingaira zvikuru kukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakaona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurayirai kuti murwire kwazvo kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe. 4Nokuti kuna vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere, vachiramba Tenzi uyu mumwechete, Ishe wedu Jesu Kristu.
5Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange maizviziva henyu kamwe kare zvose, kuti Ishe, akati amborwira vanhu munyika yeIjipiti, akazoparadza avo vakanga vasingatendi. 6Navatumwa, vasina kuchengeta ukuru hwavo, asi vakasiya pavaifanira kugara, wakavachengeta muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru kusvikira pakutongwa kwezuva guru; 7seSodhoma neGomora, namaguta akapoteredza, akazvipa kwazvo saizvo kuupombwe nokutevera imwe nyama, akaitwa chiratidzo, akarohwa nomoto usingaperi. 8Kunyange zvakadaro, vanhu ava pakurota kwavo vanosvibisa nyama yavo saizvozvo, vachiramba ukuru, nokutuka avo vanokubwinya. 9Asi Mikaeri, mutumwa mukuru, nguva yaakarwa naDhiabhori, akaita nharo naye pamusoro pomuviri waMosesi, akatya kumupa mhosva namashoko okutuka, asi akati, “Ishe ngaakurayire.” 10Asi vanhu ava vanotuka zvavasingazivi; napazvinhu izvo, zvavanonzwisisa kubva pakuberekwa kwavo, semhuka dzisingazivi, vanoparadzwa pazviri. 11Vane nhamo, nokuti vakafamba nenzira yaKaini, vakapengera kutsauka kwaBharami nokuda kwomubayiro, vakaparadzwa nokukakavara kwaKora. 12Vanhu ava mabwe akavanzika pamitambo yenyu yorudo, kana vodya nemi vasingatyi, vafudzi vanongozvifudza ivo; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa nemidzi; 13mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinofamba-famba, vakachengetererwa kusviba kwerima nokusingaperi.
14Enoki, wechinomwe kubva kuna Adhamu, wakaporofitira ivava, achiti, “Tarira, Ishe akawuya navatsvene vake vane zviuru zvamazana, 15kuti atonge vose, nokurova vose vasingadi Mwari pamusoro pamabasa avo ose okusada Mwari, avakaita nokusada kwavo Mwari, napamusoro pamashoko ose makukutu akataurwa navatadzi vasingadi Mwari.”
16Ivo vanyunyuti vasingatendi nezvavanazvo, vanofamba nokuchiva kwavo; (miromo yavo inotaura mashoko okuzvikudza), vachikudza vanhu nokuda kwokufumiswa.
Vatendi ngavakure pakutenda, napakunyengetera, naparudo
17Asi imi vadikanwi, rangarirai mashoko akambotaurwa navapostori vaIshe wedu, Jesu Kristu; 18kuti vakakuudzai kuti, “Nenguva yokupedzisira vaseki vachavako, vanofamba nokuchiva kwavo vasingadi Mwari.”
19Ndivo vanoparadzanisa, ndovenyama, vasina Mweya. 20Asi imi vadikanwi, muzvivake mukutenda kwenyu kutsvene-tsvene, munyengetere muMweya Mutsvene, 21muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaIshe wedu, Jesu Kristu, muve noupenyu husingaperi.
22Ivai nengoni navamwe vane nyunyuto, 23muvaponese muchivabvuta pamoto; vamwe muve nengoni navo nokutya, muchivenga kunyange nenguo yakasvibiswa nenyama.
Kuvonga
24Zvino kuna iye anogona kukuchengetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamungapomerwa, muchifara kwazvo, 25kuna Mwari iye mumwe, Muponesi wedu, naJesu Kristu, Ishe wedu, ngakuve kubwinya, noumambo, nesimba, noushe, nguva isati yavapo, nazvino nokusingaperi. Ameni.

Currently Selected:

Judhasi 1: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy