YouVersion Logo
Search Icon

Jona 2

2
Jona anonyengetera ari mukati mehove
1Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove. 2Akati,
“Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu,
Akandipindura;
Ndakadana ndiri mudumbu reSheori,
Imi mukanzwa izwi rangu.
3Nokuti makandikandira makadzika,
mukati momwoyo wegungwa,
Mvura zhinji yakanga yandikomberedza;
Mafungu enyu namapoporodzi
enyu akapfuura napamusoro pangu.
4Ndikati, ‘Ndarashwa, hamuchandioni;’
Asi ndicharingirazve kuTemberi yenyu tsvene.
5Mvura zhinji yakandikomberedza,
kusvikira kumweya wangu;
Pakadzika pakanga pandipoteredza;
Maharanga akanga amonera musoro wangu.
6Ndakaburukira kumavambiso amakomo;
Nyika nezvipfigiso zvayo
zvakandipfigiramo nokusingaperi;
kunyange zvakadaro makabudisa
upenyu hwangu pagomba, imi,
Jehovha Mwari wangu.
7Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu,
ndikarangarira Jehovha;
Munyengetero wangu ukapinda
kwamuri muTemberi yenyu tsvene.
8Vanorangarira zvisina maturo zvenhema
Vanorasha nyasha yavo.
9Asi ndichakubayirai nezwi rokuvonga;
Ndicharipa zvandapika.
Ruponeso runobva kuna Jehovha.”
10Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.

Currently Selected:

Jona 2: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy