YouVersion Logo
Search Icon

Isaya 66

66
Jehovha achatonga marudzi nokuvandudza Jerusaremu
1Zvanzi naJehovha, “Kudenga ndicho chigaro changu choushe, nyika ndicho chitsiko chetsoka dzangu; mungandivakira imba yakadiniko? Ndeipiko nzvimbo pandingazorora? 2Nokuti zvinhu izvi zvose zvakaitwa noruoko rwangu, izvi zvinhu zvose zvakaitwa kudaro ndizvo zvinotaura Jehovha; asi ndicharangarira munhu uyu, iye murombo anomweya wakaputsika, anodedera neshoko rangu.
3“Anouraya nzombe wakaita soanouraya munhu, anobayira gwayana soanovhuna mutsipa wembwa, anouya nechipiriso choupfu soanouya neropa renguruve, anopisira zvinonhuwira soanotenda chifananidzo. Zvirokwazvo, vakazvisanangurira nzira dzavo, mweya wavo unofarira zvinonyangadza zvavo. 4Neniwo ndichasanangura zvinovadadira, ndichawisira pamusoro pavo izvo zvavanotya; nokuti panguva yandakadana, hakuna akapindura, panguva yandakataura, havana kunzwa, asi vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakasanangura zvakanga zvisingandifadzi.”
5Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera neshoko rake, “Hama dzenyu, dzinokuvengai, dzakakudzingai nokuda kwezita rangu, dzakati, ‘Jehovha ngaaratidze umambo hwake, kuti tione mufaro wenyu; asi ndidzo dzichanyadziswa.’ 6Inzwai mheremhere iri muguta, mheremhere inobva kutemberi, izwi raJehovha rinotsiva vavengi vake.
7“Akapona asati arwadziwa, akabereka mwanakomana kurwadziwa kwake kusati kwasvika.
8“Ndianiko akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekwe nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwe pakarepo? Nokuti Zioni rakangoti kurwadziwa, ndokubereka vana varo. 9Zvanzi naJehovha, ‘Ndingasvitsa pakubereka, ndikasaberekesa here? Ini, ndinoberekesa, ndingazarira chizvaro here?’ Ndizvo zvinotaura Mwari wako.
10“Farai pamwechete neJerusaremu, mufare pamusoro paro, imi mose munorida; farai nomufaro mukuru naro, imi mose munorichema; 11kuti munwe, mugute namazamu okunyaradzwa kwaro; kuti muyamwe, mufadzwe nokuwanda kwembiri yaro. 12Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndicharitambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nepfuma yamarudzi avanhu sorwizi runofema kunze; imi muchayamwa, muchaberekwa pahudyu, muchavaraidzwa pamabvi.’
13“Somunhu anovaraidzwa namai vake, saizvozvo ndichakuvaraidzai; muchavaraidzwa paJerusaremu. 14Muchazviona, mwoyo wenyu uchafara, namapfupa enyu achamera sebumhudza; ruoko rwaJehovha ruchazikanwa kuna varanda vake, asi achava nehasha navavengi vake.”
15Nokuti tarirai, Jehovha achauya nomoto, ngoro dzake dzichafanana nechamupupuri; kuti aratidze kutsamwa kwake noukasha, nokutuka kwake nemirazvo yomoto. 16Nokuti Jehovha achatonga vanhu vose nomoto uye nomunondo wake; vakaurawa naJehovha vachava vazhinji.
17Vanozviita vatsvene navanozvinatsa kuti vaende kuminda, vachitevera mumwe uri pakati, vachidya nyama yenguruve, nechinonyangadza, nembeva, ivavo vachapera vose ndizvo zvinotaura Jehovha. 18Nokuti ndinoziva mabasa avo nendangariro dzavo; nguva inosvika yandichaunganidza marudzi ose namarimi ose, vachauya vachiona kubwinya kwangu. 19Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, vanopukunyuka kwavari ndichavatumira kuna mamwe marudzi, kuna veTarishishi, nePuri, neRudhi, vanopfura nouta, kuna veTubhari neJavhani, kuzvivi zviri kure, zvisina kumbonzwa mbiri yangu, kana kuona kubwinya kwangu pakati pamarudzi. 20Vachauyisa hama dzenyu dzose dzichibva kumarudzi ose, chive chipo kuna Jehovha, vakatasva mabhiza, vari mungoro, nomungoro dzinamatenga, vakatasva mahesera, namangamera, vachiuya kugomo rangu dzvene Jerusaremu, sezvinoitwa navana vaIsiraeri kana vachiuya nezvipo zvavo mumudziyo wakanaka mumba maJehovha ndizvo zvinotaura Jehovha. 21Ndichatorawo vamwe vavo vave vapristi navaRevhi ndizvo zvinotaura Jehovha.
22Nokuti denga idzva nenyika itsva, zvandichaita sezvichagara zviripo pamberi pangu, saizvozvo rudzi rwako nezita rako zvichagara zviripo ndizvo zvinotaura Jehovha. 23Zvino panguva iyo vanhu vose vachauya kuzonamata pamberi pangu, pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe, napaSabata imwe neimwe ndizvo zvinotaura Jehovha. 24Vachabudapo vachindotarira zvitunha zvavanhu vakandidarikira; nokuti honye yavo haingafi, uye moto wavo haungadzimwi; vachava chinhu chinosemwa nevanhu vose.

Currently Selected:

Isaya 66: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy