Genesi 13
13
Abhuramu naRoti vanoparadzana
1Zvino Abhuramu wakakwira, akabva Ijipiti, iye nomukadzi wake, nezvose zvaakanga anazvo, naRotiwo anaye; vakaenda kurutivi rwenyasi. 2Abhuramu wakanga akapfuma kwazvo mombe, nesirivha, nendarama. 3Akafamba nzendo dzake achibva nyasi kusvikira paBheteri, kunzvimbo iya kwaiva netende rake pakutanga, pakati peBheteri neAi; 4kunzvimbo yeatari, yaakanga aitapo pakutanga; Abhuramu akanamata zita raJehovha ipapo.
5NaRoti, iye wakaenda naAbhuramu, wakanga aine makwai, nemombe, namatende. 6Nyika ikasavaringana, kuti vagare panzvimbo imwe; nokuti pfuma yavo yakanga iri zhinji; vakasagona kugara panzvimbo imwe. 7Vafudzi vezvipfuwo zvaAbhuramu navafudzi vezvipfuwo zvaRoti vakaita nharo; vaKenani navaPerezi vakanga vagere panyika iyo.
8Ipapo Abhuramu akati kuna Roti, “Nharo ngadzirege kuvapo pakati pangu newe, napakati pavafudzi vangu navafudzi vako, nokuti tiri hama. 9Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi ini ndichaenda kuruboshwe.”
10Roti akasimudzira meso ake, akaona bani rose reJorodhani, kuti rakanga riine mvura pose, Jehovha achigere kuparadza Sodhomu neGomora; rakanga rakaita somunda waJehovha, senyika yeIjipiti, kana munhu achienda Zoari. 11Roti akazvitsaurira bani rose reJorodhani; Roti akaenda kurutivi rwamabvazuva; vakaparadzana havo. 12Abhuramu akagara panyika yeKenani, Roti akagara pamaguta aiva kubani, akaswededzera tende rake kusvikira paSodhomu. 13Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa, vaitadzira Jehovha kwazvo-kwazvo.
14Zvino Roti wakati aparadzana naye, Jehovha akati kuna Abhuramu, “Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kurutivi rwokumusoro, norwenyasi, norwokumabvazuva, norwokumavirira; 15nokuti nyika yose yaunoona, ndichaipa iwe navana vako nokusingaperi. 16Ndichaita vana vako seguruva renyika; kuti kana kuine munhu anogona kuverenga guruva renyika, navana vako vangaverengwawo. 17Simuka, ufambe nenyika pakureba kwayo, napaupamhi hwayo, nokuti ndichakupa iyo.” 18Ipapo Abhuramu wakabvisa tende rake, akandogara pamiti yemiouki yeMamure, iri paHebhuroni, akavakirapo Jehovha atari.
Currently Selected:
Genesi 13: SNA2002
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© Shona Union Version 2002
Videos for Genesi 13
Ep 37. Genesis 13: How Do Famine and Wealth Both Test Faith?
The Bible Show
Ep 41. Genesis 17: What Does the Covenant of Circumcision Really Mean?
The Bible Show
Ep 42. Genesis 18 Part 1: Abraham Fails Again, and Sarah Laughs at God
The Bible Show
Ep. 45 Genesis 19 Part 2: Can God Redeem Even the Worst Family History?
The Bible Show