YouVersion Logo
Search Icon

Esiteri 9

9
VaJudha vanozvirwira
1Zvino nomwedzi wegumi nemiviri, iwo mwedzi weAdhari, nezuva regumi namatatu, nguva yakati yaswedera yokuti murayiro wamambo nechirevo chake zviitwe, pazuva rakafunga vavengi vavaJudha kuvamukira naro; asi zvakashandurwa, nokuti vaJudha vakamukira vavengi vavo; 2vaJudha vakaungana pamaguta avo pamativi ose enyika dzamambo Ahashivheroshi, kuti vauraye avo vakatsvaka kuvaitira zvakaipa; hakuna akanga achigona kuvadzivisa, nokuti vanhu vose vakavatya.
3Machinda ose amativi enyika, namachinda makuru, navabati, vaibata basa ramambo, vakabatsira vaJudha; nokuti vakatya Modhekai. 4Nokuti Modhekai akanga ari mukuru paimba yamambo, nembiri yake yakanga yasvika kumativi ose enyika; nokuti murume uyu Modhekai akaramba achikura. 5VaJudha vakaparadza vavengi vavo vose, nokuvatema neminondo, nokuvauraya, nokuvaparadza, vakaitira vavengi vavo sezvavaida.
6NapaShusha nhare yamambo, vaJudha vakauraya nokuparadza varume vana mazana mashanu.
7Parishandata, naDharifoni, naAsipata, 8naPorata, naAdharia, naAridhata, 9naParimashita, naArisai, naAridhai, naVaizata, 10ivo vanakomana vane gumi vaHamani mwanakomana waHamedhata, muvengi wavaJudha, vakavaurayawo; asi havana kupambara nhumbi dzavo.
11Pazuva iro kuwanda kwavakaurawa paShusha nhare yamambo kwakaverengwa kukaiswa kuna mambo. 12Ipapo mambo akati kuna vahosi Esiteri, “VaJudha vauraya nokuparadza paShusha nhare yamambo, varume vana mazana mashanu, navanakomana vane gumi vaHamani; ndoda zvavakaita kuna mamwe mativi enyika yamambo! Zvino chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Kana chinyiko chaunokumbira zvino? Zvichaitwa.”
13Ipapo Esiteri akati, “Kana mambo achifara nazvo, vaJudha vari paShusha ngavatenderwe kuita mangwanawo nechirevo chanhasi, navanakomana vaHamani vane gumi vasungirirwe pamatanda”. 14Ipapo mambo akaraira kuti zviitwe saizvozvo; chirevo chikatemwa paShusha, vakasungurira vanakomana vaHamani vane gumi. 15VaJudha vaiva paShusha vakaunganazve nezuva regumi namana romwedzi weAdhari, vakauraya varume vana mazana matatu paShusha, asi havana kupambara nhumbi.
16Navamwe vaJudha vaiva pamativi enyika yamambo vakaungana, vakarwira upenyu hwavo, vakazorora pavavengi vavo, vakauraya pakati pavavengi vavo vane zviuru zvina makumi manomwe nezvishanu; asi havana kupambara nhumbi. 17Izvozvo zvakaitwa nezuva regumi namatatu romwedzi weAdhari, vakazorora nezuva regumi namana, vakariita zuva romutambo neromufaro. 18Asi vaJudha vaiva paShusha vakaungana pazuva regumi namatatu napazuva regumi namana romwedzi iwoyo; nezuva regumi namashanu romwedzi uyo vakazorora, vakariita zuva romutambo neromufaro.
19Naizvozvo vaJudha vemisha, vanogara pamisha isina kukombwa namasvingo, vanoita zuva regumi namana romwedzi weAdhari zuva romufaro neromutambo, uye zuva rakanaka, nerokutumirana zvinonaka.
Mutambo wePurimi
20Zvino Modhekai akanyora zvinhu izvo, akatuma n’wadhi kuvaJudha vose vakanga vari pamativi ose enyika yamambo Ahashivheroshi, pedyo nokure, 21akavaraira kuti varangarire zuva iro regumi namana romwedzi weAdhari, nezuva regumi namashanu rawo, gore rimwe nerimwe, 22nokuti ndiwo mazuva vaJudha avakazorodzwa nawo pavavengi vavo, nomwedzi wavakashandurirwa nawo kuchema kwavo ukava mufaro, uye zuva rokuchema rikava zuva rakanaka; uye kuti vaaite mazuva omutambo noomufaro, nookutumirana zvinonaka uye zvipo kuvarombo.
23VaJudha vakatenda kuita nomutowo wavakatanga nawo, sezvavakanyorerwa naModhekai; 24nokuti Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha vose akanga afunga zano rokuparadza vaJudha, akakanda Puri, ndiyo mijenya, kuvapedza nokuvaparadza; 25asi shoko iri rakati richisvika kuna mambo, iye ndokuraira nen’wadhi kuti zano iri rake rakaipa raakafunga pamusoro pavaJudha, ridzoserwe pamusoro wake, uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda. 26Naizvozvo vakatumidza zita ramazuva iwayo Purimi nezita rePuri. Zvino nokuda kwamashoko ose e’nwadhi iyo, nezvavakaona pamusoro pechinhu icho, nezvavakaitirwa, 27vaJudha vakatema chirevo vakazvisunga, kuti ivo navana vavo, navose vaizozviisa kwavari, havangatongoregi kurangarira mazuva iwayo maviri, sezvakanga zvanyorwa pamusoro pawo, uye panguva yakanga yatarwa gore rimwe nerimwe; 28uye kuti mazuva iwayo arangarirwe nokutambwa pakati porudzi rumwe norumwe, nemhuri imwe neimwe, norutivi rumwe norumwe rwenyika neguta rimwe nerimwe; uye kuti mazuva iwayo ePurimi arege kutongoregwa pakati pavaJudha, arangarirwe nokusingaperi pakati pavana vavo.
29Ipapo vahosi Esiteri, mukunda waAbhihairi, naModhekai muJudha, vakanyora nesimba ravo rose vakasimbisa n’wadhi iyo yechipiri yePurimi. 30Akatuma n’wadhi kuvaJudha, vose vakanga vari pamativi ane zana namakumi maviri namanomwe enyika yamambo Ahashivheroshi, akanga ana mashoko orugare nezvokwadi, 31kuzosimbisa mazuva iwayo ePurimi panguva dzawo dzakatarwa, sezvavakarairwa naModhekai muJudha navahosi Esiteri, uye sezvavakanga vazvisunga ivo navana vavo pamusoro peshoko rokuzvinyima zvokudya nerokuchema kwavo. 32Murayiro waEsiteri ukasimbisa mashoko iwayo ePurimi; zvikanyorwa mubhuku.

Currently Selected:

Esiteri 9: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy