YouVersion Logo
Search Icon

Muparidzi 1

1
Zvose hazvina maturo
1Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo paJerusaremu.
2Zvanzi noMuparidzi, hazvina maturo chose, hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo chose! 3Munhu angabatsirweiko nokutambudzika kwake kwose, kwaanotambudzika nako pasi pezuva?
4Rudzi rumwe runoenda, rumwe rudzi runouya; asi pasi panongogarapo nokusingaperi. 5Zuva rinobudawo, zuva rinovira, richikurumidzira kwarinozobudazve. 6Mhepo inoenda zasi, yodzoka yoenda kumusoro; inoramba ichidzoka pakufamba kwayo; mhepo inodzokerazve pakupotereka kwayo.
7Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve. 8Zvinhu zvose zvizere nokuneta; hakuna munhu angazvitaura; ziso hariguti nokuona, nzeve haizari nokunzwa. 9Chakanga chiripo, ndicho chichazovapo; chakamboitwa, ndicho chichazoitwa; hapane chinhu chitsva pasi pezuva.
10Chinhu chiriko here, chatingati, “Tarirai, chinhu ichi chitvsa?” Chakanga chichingovapo kare, panguva dzakatitangira. 11Marudzi akapfuura haacharangarirwi; namarudzi achazotevera, haangatongorangarirwi navanozovatevera.
12Ini Muparidzi, ndakanga ndiri mambo waIsiraeri paJerusaremu. 13Ndikarwadza mwoyo wangu kutsvaka nokunzvera nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga; ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu vaMwari, kuti vazvitambudze naro.
14Ndakaona mabasa ose anoitwa pasi pezuva; tarirai, zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi. 15Chakakombama hachibviri kururamiswa; chinoshaikwa hachibviri kuverengwa.
16Ndakataurirana nomwoyo wangu, ndichiti, “Tarira ndazviwanira uchenjeri hukuru, kukunda vose vakanditangira paJerusaremu; zvirokwazvo mwoyo wangu wakaona uchenjeri huzhinji nezivo.” 17Asi ndakati ndichirwadza mwoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nezivo, noupengo noupenzi, ndikaona kuti naizvozvowo ndiko kudzingana nemhepo bedzi. 18Nokuti muuchenjeri huzhinji munokuchema kuzhinji; uye anowedzera zivo, anowedzera shungu.

Currently Selected:

Muparidzi 1: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy