YouVersion Logo
Search Icon

2 Timoti 1

1
Kwaziso
1Pauro, mupostori waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, nokuda kwechipikirwa choupenyu huri muna Kristu Jesu, 2kuna Timoti, mwana wangu anodikanwa: Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu, ngazvive newe.
Timoti anorayirwa kuti asimbe pabasa rake
3Ndinovonga Mwari, wandinoshumira samadziteteguru angu, nehana yakachena, kana ndichiramba ndichikurangarira pakukumbira kwangu husiku namasikati, 4ndichishuva zvikuru kukuona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nomufaro; 5ndichiyeudzwa kutenda kusinganyengeri kuri mauri, kwaimbogara muna mbuya vako nomuna mai vako, vaJuniki, kwandinoziva kwazvo kuti kunogarawo mauri. 6Nemhaka iyi ndinokuyeudzira kuti ukuchidzire chipiwa chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamaoko angu.
7Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi wesimba, noworudo, nowokuzvidzora.
8Naizvozvo usanyadziswa nokupupurira Ishe wedu, kana ini, musungwa wake, asi utambudzike pamwechete neni nokuda kweVhangeri nesimba raMwari, 9akatiponesa, akatidana nokudana kutsvene, zvisingabvi pamabasa edu, asi nokufunga kwake, nenyasha dzaakatiitira muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo, 10asi kwakaratidzwa zvino nokuonekwa kwoMuponesi wedu, Kristu Jesu, iye akaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nokusaora nenzira yeVhangeri, 11yandakaitwa muparidzi, nomupostori, nomudzidzisi wayo.
12Nemhaka iyi ndinotambudzikawo nezvinhu izvi, asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva irero. 13Batisisa zvawakaratidzwa zvamashoko akarurama, izvo zvawakanzwa kwandiri mukutenda norudo ruri muna Kristu Jesu. 14Icho chakanaka, chawakapiwa, uchichengete naMweya Mutsvene anogara matiri.
15Unozviziva hako kuti vose vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo panaFigero naHerimogene. 16Ishe ngaaitire imba yaOnesiforo ngoni, nokuti kazhinji akandisimbisa, asinganyadziswi neketani yangu. 17Asi akati asvika Roma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana. 18(Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kuna Ishe nezuva irero); newe unoziva kwazvo hukuru hwokushumira kwake paEfeso.

Currently Selected:

2 Timoti 1: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy