YouVersion Logo
Search Icon

2 VaTesaronika 1

1
Kwaziso
1Pauro, naSirivhano, naTimoti, kukereke yavaTesaronika muna Mwari baba vedu, naIshe Jesu Kristu:
2Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu.
Pauro anovonga nokuti vanomira nesimba
3Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, sezvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe kuna vamwe, runowanda; 4nokudaro isu timene tinozvirumbidza mamuri pakereke dzaMwari pamusoro pokutsungirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo.
5Ndizvo zvinoratidza kutonga kwakarurama kwaMwari; kuti mugonzi makafanirwa noushe hwaMwari hwamunotambudzikirawo; 6zvakarurama kuna Mwari, kuti atsive nokutambudzika ivavo vanokutambudzai; 7nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamwechete nesu pakuonekwa kwaIshe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake, 8mumoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri Vhangeri yalshe wedu, Jesu; 9ivo vacharohwa nokuparadzwa kusingaperi, kuti vabve pamberi paIshe, napakubwinya kwesimba rake, 10kana achiuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nokukanukirwa muna vose vanotenda nezuva irero; (nokuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa).
11Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzose, kuti Mwari wedu ati, makafanirwa nokudanwa kwenyu, akwanise nesimba rake kuda kwenyu kwose kuita zvakanaka namabasa ose okutenda; 12kuti zita raIshe wedu Jesu rirumbidzwe mamuri, nemi maari, sezvadzakaita nyasha dzaMwari wedu nedzaIshe Jesu Kristu.

Currently Selected:

2 VaTesaronika 1: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy