YouVersion Logo
Search Icon

2 Madzimambo 1

1
Kurwara nokufa kwaAhazia mambo weIsiraeri
1Zvino vaMoabhu vakamukira vaIsiraeri, shure kwokufa kwaAhabhi.
2Zvino Ahazia wakanga awira pasi napawindo yekamuri yake yokumusoro, yaiva paSamaria, akarwara akatuma nhume, akati kwavari, “Endai mundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, kana ndichapora pakurwara uku.” 3Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, “Simuka undosangana nenhume dzamambo weSamaria, uti kwavari, ‘Asi hapana Mwari here pakati paIsiraeri, zvamondobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi?’ 4Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.’ ” Eria akabva. 5Ipapo nhume dzakadzokera kwaari, iye akati kwavari, “Madzokereiko?”
6Ivo vakati kwaari, “Mumwe murume wakauya akasangana nesu, akati kwatiri, ‘Endai, dzokerai kuna mambo wakakutumai,’ muti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, asi hapana Mwari here pakati peIsiraeri, zvawotuma vanhu kundobvunza Bhaarizebhubhi mwari weEkironi? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.’
7“Akati kwavari, ‘Murume, wakauya akasangana nemi, akakuudzai mashoko awo, wakanga akadiniko?’ ” 8Vakamupindura vakati, “Wakanga ari murume wakafuka nguo yemvere, akazvisunga chiuno chake nebhanire reganda.” Iye akati, “Ndiye Eria muTishibhi.” 9Ipapo mambo akatuma kwaari mukuru wavarume vana makumi mashanu, ana vanhu vake vana makumi mashanu. Iye akakwira kwaari, akamuwana agere pamusoro pegomo. Akati kwaari, “Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Burukai.’ ”
10Eria akapindura, akati kumukuru wavana makumi mashanu, “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kudenga, ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu.” Ipapo moto ukaburuka kudenga, ukamuparadza iye navanhu vake vana makumi mashanu.
11Akatumazve kwaari mumwe mukuru wavana makumi mashanu. Iye akapindura, akati kwaari, “Nhai munhu waMwari, zvanzi namambo, ‘Kurumidzai muburuke.’ ” 12Eria akapindura, akati kwavari, “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kudenga, ukuparadze iwe navanhu vako vana makumi mashanu.” Ipapo moto waMwari ukaburuka kudenga, ukamuparadza iye navanhu vake vana makumi mashanu.
13Akatumazve mumwe mukuru wavana makumi mashanu; wechitatu, anavanhu vake vana makumi mashanu. Zvino iye mukuru wavana makumi mashanu, wechitatu, akakwira, akapfugama namabvi ake pamberi paEria, akakumbira, akati kwaari, “Haiwa, munhu waMwari, upenyu hwangu nohwovaranda venyu ava vana makumi mashanu, ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu. 14Tarirai, moto wakaburuka kudenga, ukapisa vakuru vaviri vavana makumi mashanu vokutanga navanhu vavo vana makumi mashanu; naizvozvo upenyu hwangu zvino ngachive chinhu chinokosha pamberi penyu.”
15Ipapo mutumwa waJehovha akati kuna Eria, “Buruka naye, usamutya hako.” Akasimuka, akaenda naye kuna mambo.
16Akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Zvawakatuma nhume kundobvunza Bhaarizebhubhi, mwari weEkironi, asi hapana Mwari here pakati peIsiraeri, waungabvunza shoko rake? Naizvozvo haungaburukizve pamubhedha wawakwira, asi zvirokwazvo uchafa.’ ”
17Naizvozvo akafa seshoko raJehovha rakanga rarehwa naEria. Jehoramu akamutevera paushe, akatanga kubata ushe pagore rechipiri reJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha; nokuti iye wakanga asina mwana. 18Mamwe mabasa aAhazia aakabata, haana kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aIsiraeri?

Currently Selected:

2 Madzimambo 1: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy