YouVersion Logo
Search Icon

Mapisarema 4

4
Mufaro norugare ɀiri kunaJehova.
Kumutuŋgamiriri wenziyo; nemiteŋgeranwa. Pisarema raDavidi.
1Ndipindurei kana ndiciɗana, Mŋari wokururama kwaŋgu;
Pakumanikidzwa kwaŋgu makandiisa pakafarikana;
Ndinzwirei tsitsi, munzwe munyeŋgetero waŋgu.
2Nhai ʋanakomana ʋaʋanhu, kukudzwa kwaŋgu kucashandurwa kunyadziswa kuȿikira riniko?
Mucaɗa ɀisinamaturo, nokutȿaka nhema kuȿikira rini?
3Asi ziʋai kuti Jehova wakaɀitsaurira munhu unomuɗa:
Jehova ucanzwa kana ndiciɗana kwaari.
4Ityai, murege kutadza;
Tauriranai nemŋoyo yenyu panhoʋo dzenyu, muti ŋwii.
5Ƃayirai ɀiɓayiro ɀokururama,
Muʋimbe naJehova.
6Ʋazhinji ʋari’ko ʋanoti: Ndianiko ucatiratidza ɀakanaka?
Jehova, simudzirai pamsoro peɗu ciedza ceciso cenyu.
7Makaisa mufaro mumŋoyo maŋgu,
Unopfuʋura waʋanhu kana ɀiyo ɀaʋo newaini yaʋo ɀawanzwa.
8Ndicaʋata pasi norugare, ndiɓatwe nehope;
Nokuti ndimi moga Jehova munondigarisa pakasimba.

Currently Selected:

Mapisarema 4: SUB1949

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in