Mapisarema 14
14
Ʋanhu ʋose ʋakashata.
Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi.
1Ƃenzi rakati mumŋoyo maro: Mŋari haako.
Ʋakaʋora, ʋakaɓata maɓasa anonyaŋgadza;
Hapana‐unoita ɀakanaka.
2Jehova ari kuɗeŋga, wakatarira pasi kuʋana va ʋanhu,
Kuti aʋone kana wakacenjera ari’po,
Unotȿaka Mŋari.
3Ʋakatsauka ʋose, ʋakaȿiɓiswa pamŋe cete;
Hapana‐unoita ɀakanaka, kunyaŋge nomumŋe.
4Ko ʋaiti ʋose ʋeɀakaipa haʋaneziʋo here?
Iʋo ʋanodya ʋanhu ʋaŋgu seɀaʋanodya ciŋgwa,
Ʋasiŋgaɗani kunaJehova.
5Ʋakaŋga ʋacitya ɀikuru ipapo;
Nokuti Mŋari unogara parudzi rwaʋakarurama.
6Munonyadzisa zano romurombo,
Asi Jehova ndiye ʋutiziro bgake.
7Ƌayi kuponeswa kwaIsraeri kwaibva paZioni!
Kana Jehova acidzosa ʋanhu ʋake pakutapxa,
Ipapo Jakobo ucafarisisa kwaɀo, naIsraeri ucafara.
Currently Selected:
Mapisarema 14: SUB1949
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018