YouVersion Logo
Search Icon

Mapisarema 1

1
BUKU I
Kufara kwaʋanoɗa Mŋari, nokusafara kwaʋasiŋgaɗi Mŋari.
1Wakakomborerwa munhu usiŋgafambi panoraŋgana ʋakaipa,
Usiŋgamiri panzira yaʋatadzi,
Usiŋgagari panogara ʋaɗaɗi.
2Asi unofarira murairo waJehova;
Unofuŋgisisa murairo wake masikati noʋusiku.
3Ucafanana nomuti wakasimŋa pahoʋa dzemvura,
Unoɓereka micero yawo neŋguʋa yawo,
Mashizha awo haaȿaʋi;
Cinhu cipi necipi caanoita cicaendika.
4Ʋakaipa haʋana‐kuɗaro;
Asi ʋakafanana nehundi inopepereswa nemhepo.
5Naiɀoɀo ʋakaipa haʋaŋgamiri pakutoŋgeswa,
Naʋatadzi paʋuŋgano yaʋakarurama.
6Nokuti Jehova unoziʋa nzira yaʋakarurama;
Asi nzira yaʋakaipa icaparadzwa.

Currently Selected:

Mapisarema 1: SUB1949

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in