Mateo 2:12-13
Mateo 2:12-13 SUB1949
Ʋakati ʋanyeʋerwa pakurota naMŋari, kuti ʋarege kudzokera kunaHerode, ʋakaenda kunyika yaʋo neimŋe nzira. Ʋakati ʋaenda, tarira, mutumŋa waShe wakaʋonekwa naJosefa pakurota, aciti: Simuka, utore mŋana namai ʋake, utizire Egipita, ugare’ko kuȿikira ndicikuʋudza; nokuti Herode ucatȿaka mŋana kuti amuʋuraye.