YouVersion Logo
Search Icon

Mateo 13

13
Mufananidzo womukushi.
(Mar 4:1–20; Ruka 8:4–15)
1Nezuʋa iro Jesu wakaɓuɗa mumba, akandogara paguŋgwa. 2Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋgana kwaari, nokuɗaro akapinda mugwa, akagara; ʋazhinji ʋose ʋakamira pamhenderekedzo. 3Ipapo akaʋaʋudza ɀinhu ɀizhinji nemifananidzo, akati: Tarirai, mukushi wakaɓuɗa kundokusha. 4Ɀino pakukusha kwake dzimŋe mbeu dzakawira panzira, shiri dzikaȿika dzikadzidya. 5Dzimŋe dzakawira parukaŋgarabge, padzakaŋga dzisinevu zhinji, dzikamera pakarepo, nokuti dzakaŋga dzisinevu rakadzika. 6Asi zuʋa rakati raɓuɗa, dzikapiswa; dzikawoma, nokuti dzakaŋga dzisinomudzi. 7Dzimŋe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivuŋga. 8Asi dzimŋe dzakawira muvu rakanaka, dzikaɓereka ɀiɓereko; dzimŋe zana, dzimŋe makumi matanhatu, dzimŋe makumi matatu. 9Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.
10Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Munotaurireiko kwaʋari nemifananidzo? 11Akapindura, akati kwaʋari: Nokuti imi makapiwa kuziʋa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgokuɗeŋga, asi aʋa haʋana‐kupiwa. 12Nokuti aninani unaɀo ucapiwa, aʋe neɀakawanda; asi aninani usina, ucatorerwa neɀaanaɀo. 13Naiɀoɀo ndinotaura kwaʋari nemifananidzo, nokuti ʋanoʋona, asi haʋaʋoni; ʋanonzwa, asi haʋanzwi, kana kunzwisisa. 14Kuprofita kwaIsaya kwakaitika kwaʋari, kunoti:
Nokunzwa, mucanzwa, musiŋgatoŋgonzwisisi;
Nokuʋona, mucaʋona, musiŋgatoŋgoʋonesesi;
15Nokuti mŋoyo yaʋanhu aʋa yaʋa mikukutu,
Nzeʋe dzaʋo dzakadziʋira;
Nameso aʋo ʋakaatsinzina.
Kuti ɀimŋe ʋarege kuʋona nameso,
Nokunzwa nenzeʋe,
Nokunzwisisa nomŋoyo,
Ʋakadzoka,
Ndiʋaporese.
16Asi meso enyu akaropafadzwa, nokuti anoʋona; nenzeʋe dzenyu, nokuti dzinonzwa. 17Nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuti ʋaprofita naʋakarurama ʋazhinji ʋakaŋga ʋaciɗa kuʋona ɀinhu ɀamunoʋona, asi haʋanakuɀiʋona; nokunzwa ɀamunonzwa, asi haʋana‐kuɀinzwa. 18Naiɀoɀo imi inzwai mufananidzo womukushi. 19Kana munhu akanzwa shoko roʋushe, asiŋgarinzwisisi, wakaipa unoȿika, ndokubvuta cakakushwa mumŋoyo make. Ndiye wakakushwa panzira. 20Asi wakakushwa parukaŋgarabge, ndiye unonzwa shoko, ndokurigamucira pakarepo nomufaro. 21Asi haanomudzi mukati make, ndiye weciŋguʋa ciɗuku; kana kutambudzika nokuʋeŋgwa ɀiciʋuya nokuɗa kweshoko, pakarepo unogumburwa. 22Wakakushwa pakati peminzwa, ndiye unonzwa shoko; ɀino kufuŋganya kwenyika nokunyeŋgera kwefuma ɀinovuŋga shoko, rikashaiwa ɀiɓereko. 23Wakakushwa muvu rakanaka, ndiye unonzwa shoko, akarinzwisisa; ndiye unoɓereka ɀiɓereko, mumŋe aciita zana, mumŋe makumi matanhatu, mumŋe makumi matatu.
Mufananidzo wamashawi neɀiyo.
24Wakaisa pamberi paʋo mumŋe mufananidzo, aciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgunofananidzwa nomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make. 25Asi ʋanhu ʋaʋete, muʋeŋgi wake akaʋuya, akakusha mashawi pakati peɀiyo, akaenda. 26Asi cipande cakati camera nokuɓereka, ɀino mashawi akaʋonekwa ʋo. 27Ɀino ʋaranda ʋomŋene weimba ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Ishe, hamuna‐kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko mashawi? 28Akati kwaʋari: Munhu unondiʋeŋga waita iɀoɀo. Ʋaranda ʋakati kwaari: Ko munoɗa kuti tindoaʋuŋganidza here? 29Akati: Kwete, ɀimŋe kana muciʋuŋganidza mashawi, muŋgadzura neɀiyo ʋo. 30Regai ɀikure ɀose ɀiri ɀiʋiri kuȿikira pakuceka; neŋguʋa yokuceka ndicati kuʋaceki: Taŋgai kuʋuŋganidza mashawi, muasuŋge mŋanda kuti apiswe, asi muʋuŋganidze ɀiyo muɗura raŋgu.
Mufananidzo wembeu yemastarda, nowembiriso.
(Mar 4:30–34; Ruka 13:18, 19)
31Wakaisa pamberi paʋo mumŋe mufananidzo, aciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana netsaŋga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaidɀara mumunda make; 32iyo iɗuku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriʋo yose, inoita muti wakakura ukaɗaro kuti shiri dzokuɗeŋga dzinoʋuya, dzicigara pamataʋi awo.
33Akaʋaʋudza mumŋe mufananidzo, akati: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muɀiyero ɀitatu#13:33 Magaroni aneŋge mapfumbamŋe. ɀoʋupfu, kuȿikira bgose bgaʋiriswa.
34Ɀinhu ɀose Jesu wakaʋudza ʋanhu ʋazhinji nemifananidzo; haana‐kutaura cinhu kwaʋari asiŋgafananidzi; 35kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita, aciti:
Ndicashamisa muromo waŋgu nemifananidzo,
Ndicataura ɀakaŋga ɀakaʋanzika kubva pakuʋambga kwenyika.
Kuɗudzirwa kwomufananidzo wamashawi neɀiyo.
36Ɀino Jesu wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akapinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Tiɗudzirei mufananidzo wamashawi omumunda. 37Akapindura, akati: unokusha mbeu yakanaka ndiye Mŋanakomana womunhu. 38Munda inyika; mbeu yakanaka ndiʋo ʋanakomana ʋoʋushe; mashawi ndiʋo ʋanakomana ʋowakaipa. 39Muʋeŋgi wakakusha ndiye Diaborosi; kuceka ndiko kuguma kwenyika; ʋaceki ndiʋo ʋatumŋa. 40Ɀino mashawi seɀaanoʋuŋganidzwa acipiswa mumŋoto, ndiɀo ɀicaitwa pakuguma kwenyika. 41Mŋanakomana womunhu ucatuma ʋatumŋa ʋake, ʋagoʋuŋganidza muʋushe bgake ɀose ɀinogumbusa, naʋanoita ɀisakarurama, 42ʋacaʋakandira muʋira romŋoto; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. 43Ipapo ʋakarurama ʋacapenya sezuʋa muʋushe bgaƂaɓa ʋaʋo. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.
Mufananidzo wefuma yakaʋanzwa.
44Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nefuma yakaʋanzwa mumunda, iyo yakawanikwa nomunhu, akaiʋanza ɀe; ɀino nokufara kwake unoenda, akateŋgesa ɀose ɀaanaɀo, akateŋga munda uyo.
Mufananidzo wamaparera.
45Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana ɀe nomuteŋgi unotȿaka maparera akanaka; 46akati awana parera rimŋe rinomuteŋgo mukuru, akaenda, akandoteŋgesa ɀose ɀaakaŋga anaɀo, akariteŋga iro.
Mufananidzo worutaʋa.
47Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana ɀe norutaʋa runokandirwa muguŋgwa, runoʋuŋganidza marudzi ose ehoʋe; 48kana rwazara ʋanorukweʋera pamhenderekedzo, ʋakagara pasi, ʋakaʋuŋganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa ʋanodzirasha. 49Ndiɀo ɀicaitwa pakuguma kwenyika; ʋatumŋa ʋacaɓuɗa, ʋacaɓuɗisa ʋakaipa pakati paʋakarurama, 50ʋacaʋakandira muʋira romŋoto; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.
51[Jesu akati kwaʋari:] Manzwisisa iɀoɀo ɀose here? Ʋakati kwaari: Hoŋo, [Ishe]. 52Akati kwaʋari: Naiɀoɀo munyori mumŋe nomumŋe wakadzidziswa ɀoʋushe bgokuɗeŋga, wakafanana nomunhu, mŋene weimba, unoɓuɗisa ɀinhu ɀitȿa neɀekare pafuma yake.
Jesu unoshoʋorwa paNazareta.
(Mar 6:1–6; Ruka 4:16–32)
53Jesu wakati apedza mifananidzo iyo, akabva’po. 54Akaȿika kunyika yake, akaʋadzidzisa musinagoge raʋo, nokuɗaro ʋakakatyamara, ʋakati: Munhu uyu wawanepiko kucenjera uku namaɓasa esimba? 55Ko haazi mŋanakomana womuʋezi here? Ko mai ʋake haʋaidzwi Maria here, naʋanuŋuna ʋake Jakobo, naJosefa, naSimoni, naJudasi here? 56Nehanɀadzi dzake hadzizi pakati patiri dzose here? Ko iye wakagowanepi ɀinhu iɀoɀo ɀose? 57Ʋakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwaʋari: Muprofita haaŋgashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, nomumba make. 58Akasaita maɓasa esimba mazhinji ipapo nokusatenda kwaʋo.

Currently Selected:

Mateo 13: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy