YouVersion Logo
Search Icon

Johane 15

15
Muzambiriŋga namataʋi.
1Ndini muzambiriŋga waɀokwaɗi, Ƃaɓa ʋaŋgu murimi. 2Ƌaʋi rimŋe nerimŋe riri mandiri, risiŋgaɓereki ɀiɓereko, ʋanoribvisa; rimŋe nerimŋe, rinoɓereka ɀiɓereko, ʋanorinatsa, kuti riwedzere ɀiɓereko. 3Imi matonatswa neshoko randakareʋa kwamuri. 4Garai mandiri, neni mamuri. Seɗaʋi risiŋgagoni kuɓereka ɀiɓereko roga, kana risiŋgagari mumuzambiriŋga; saiɀoɀo nemi ʋo, kana musiŋgagari mandiri. 5Ini ndiri muzambiriŋga, imi muri mataʋi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unoɓereka ɀiɓereko ɀakawanda; nokuti kunze kwaŋgu hamugoni kuita cinhu. 6Kana munhu asiŋgagari mandiri, unorashwa kunze seɗaʋi, ndokuwoma; ʋanoaʋuŋganidza, ndokuakandira mumŋoto, atȿe. 7Kana mucigara mandiri, namashoko aŋgu acigara mamuri, kumbirai ɀamunoɗa, mucaɀiitirwa. 8Ƃaɓa ʋaŋgu ʋanokudzwa naiɀoɀi, kuti muɓereke ɀiɓereko ɀakawanda; ʋuye mucaʋa ʋadzidzi ʋaŋgu. 9Ƃaɓa seɀaʋakandiɗa, neni ndakakuɗai; garai muruɗo rwaŋgu. 10Kana muciceŋgeta mirairo yaŋgu, mucagara muruɗo rwaŋgu, seni ndaiceŋgeta mirairo yaƂaɓa ʋaŋgu, ndicigara muruɗo rwaʋo. 11Ɀinhu iɀoɀi ndakaɀitaura kwamuri, kuti mufaro waŋgu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike. 12Uyu ndiwo murairo waŋgu, kuti muɗane, seni ndakakuɗai imi. 13Hakunomunhu unoruɗo rukuru kunourwu, kuti munhu arashire hama dzake ʋupenyu bgake. 14Im muri hama dzaŋgu, kana muciita ɀandinokurairai ini. 15Handicakuidziyi ʋaranda; nokuti muranda haaziʋi ɀinoitwa nashe wake; asi ndinokuidzai hama; nokuti ɀose ɀandakanzwa kunaƂaɓa ʋaŋgu, ndakakuziʋisai iɀo. 16Imi hamuna‐kundisanaŋgura, asi ini ndakakusanaŋgurai imi, ndikakuisai kuti muende muɓereke ɀiɓereko, ʋuye kuti ɀiɓereko ɀenyu ɀigare; kuti cinhu cipi necipi camuneŋge mucikumbira kunaƂaɓa muzita raŋgu, ʋakupei ico. 17Ndiɀoɀi ɀandinokurairai, kuti muɗane. 18Kana nyika icikuʋeŋgai, muziʋe kuti yakandiʋeŋga ini, isati yakuʋeŋgai imi. 19Kana maiʋa ʋenyika, nyika yaiɗa ʋayo; ɀino ɀamusati muri ʋenyika, asi ini ndakakusanaŋgurai panyika, saka nyika inokuʋeŋgai. 20Raŋgarirai shoko randakareʋa kwamuri, ndiciti: Muranda haazi mukuru kunashe wake. Kana ʋakanditambudza ini, ʋacakutambudzai nemi ʋo; kana ʋakaceŋgeta shoko raŋgu, ʋacaceŋgeta nerenyu ʋo. 21Asi iɀi ɀose ʋacakuitirai nokuɗa kwezita raŋgu, nokuti haʋaziʋi wakandituma. 22Ƌai ndisina‐kuʋuya, ndikataura naʋo, ʋaŋgaɗai ʋasineɀiʋi; asi ɀino haʋanepembedzo yeɀiʋi ɀaʋo. 23Unondiʋeŋga, unoʋeŋga naƂaɓa ʋaŋgu ʋo. 24Ƌai ndisina‐kuita pakati paʋo maɓasa asina‐kumboitwa nomumŋe munhu, ʋaŋgaɗai ʋasineɀiʋi; asi ɀino ʋakaʋona, nokundiʋeŋga ini naƂaɓa ʋaŋgu. 25Asi ɀakaitwa, kuti shoko rakanyorwa pamurairo waʋo, riitike, rinoti: Ʋakandiʋeŋga ndisinemhoȿa. 26Kana Munyaradzi aʋuya, wandicatuma kwamuri, acibva kunaƂaɓa, iye Mŋeya waɀokwaɗi, unoɓuɗa kunaƂaɓa, ucandipupurira. 27Nemi ʋo pupurai, nokuti maiʋa neni kubva pakutaŋga.

Currently Selected:

Johane 15: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy