YouVersion Logo
Search Icon

Jeremia 45

45
Shoko raJeremia kunaBaruki.
1Shoko, rakataurwa nomuprofita Jeremia kunaBaruki mŋanakomana waNeria, paŋguʋa yaakanyora mashoko awa mubuku, ɀicibva mumuromo waJeremia, negore recinna raJehoiakimi mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, riciti: 2Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri, kwauri, iwe Baruki: 3Iwe wakati: Ndinenhamo ɀino, nokuti Jehova wakawedzera kucema pakurwadziwa kwaŋgu; ndaneta nokugomera kwaŋgu, ndinoshaiwa zororo. 4Ɀino citi kwaari: Ɀanzi naJehova: Tarira, candakaʋaka ndicacikoromora ɀe, candakasima ndicacidzura ɀe; ndiɀo ɀandicaitira nyika yose. 5Iwe unoɀitȿakira ɀinhu ɀikuru here? Usaɀitȿaka; nokuti tarira, ndicaʋuyisa ɀakaipa pamsoro penyama yose — ndiɀo ɀinotaura Jehova; asi ndicakupa ʋupenyu bgako ciʋe cinhu cakapambga panɀimbo dzose kwaunoenda.

Currently Selected:

Jeremia 45: SUB1949

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

Video for Jeremia 45