1
Mateo 25:40
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
“Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.’
Compare
Explore Mateo 25:40
2
Mateo 25:21
“Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’
Explore Mateo 25:21
3
Mateo 25:29
Nokuti wose anazvo achapiwa zvimwe, agova nezvakawanda kwazvo. Ani naani asina, kunyange nezvaanazvo achazvitorerwa.
Explore Mateo 25:29
4
Mateo 25:13
“Naizvozvo garai makagadzirira nokuti hamuzivi musi kana nguva.
Explore Mateo 25:13
5
Mateo 25:35
Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipinza mumba
Explore Mateo 25:35
6
Mateo 25:23
“Tenzi wake akapindura akati, ‘Waita zvakanaka, iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma, ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!’
Explore Mateo 25:23
7
Mateo 25:36
ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’
Explore Mateo 25:36