1
Habhakuki 1:5
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
“Tarisa ndudzi dzavanhu, ucherechedze, ugoshamiswa zvirokwazvo. Nokuti ndichaita chimwe chinhu pamazuva ako chawanga usingazobvumi, kunyange dai waichiudzwa.
Compare
Explore Habhakuki 1:5
2
Habhakuki 1:2
Haiwa Jehovha, ndicharamba ndichidanidzira, ndichitsvaka rubatsiro kusvikira riniko, asi musingandinzwi? Kana kudana kwamuri ndichiti, “Ndorwiswa!” asi hamundiponesi?
Explore Habhakuki 1:2
3
Habhakuki 1:3
Sei muchiita kuti ndione kusaruramisira? Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa? Kuparadza nokuita nechisimba zviri pamberi pangu; pano kukakavara, uye kurwa kuri kuwanda.
Explore Habhakuki 1:3
4
Habhakuki 1:4
Naizvozvo murayiro hauchisina simba, uye kutonga kwakarurama hakuchaonekwi. Vakaipa vanokomba vakarurama, zvokuti kururamisira kunominamiswa.
Explore Habhakuki 1:4