1
VaEfeso 2:10
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.
Compare
Explore VaEfeso 2:10
2
VaEfeso 2:8-9
Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.
Explore VaEfeso 2:8-9
3
VaEfeso 2:4-5
Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni, akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.
Explore VaEfeso 2:4-5
4
VaEfeso 2:6
Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa kudenga muna Kristu Jesu
Explore VaEfeso 2:6
5
VaEfeso 2:19-20
Saka, hamuchisiri vatorwa kana vaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye mava veimba yaMwari, makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona.
Explore VaEfeso 2:19-20