1
2 VaTesaronika 2:3
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Musarega munhu upi zvake achikunyengerai nenzira ipi zvayo, nokuti zuva iro harisviki kusvikira kumukira kwaitika uye munhu wokutsauka aratidzwa, iye munhu akatongerwa kuparadzwa.
Compare
Explore 2 VaTesaronika 2:3
2
2 VaTesaronika 2:13
Asi tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama dzinodiwa naIshe, nokuti kubva pakutanga Mwari akakusarudzai kuti muponeswe nebasa rokuchenesa roMweya uye nokutenda chokwadi.
Explore 2 VaTesaronika 2:13
3
2 VaTesaronika 2:4
Achapikisa uye achazvisimudzira pamusoro pezvinhu zvinonzi Mwari kana zvinonamatwa, nokudaro anozvigadza mutemberi yaMwari achizviita Mwari.
Explore 2 VaTesaronika 2:4
4
2 VaTesaronika 2:16-17
Ishe wedu Jesu Kristu pachake uye Mwari Baba vedu, iye akatida uye nenyasha dzake akatipa upenyu husingaperi, kurudziro netariro yakanaka, ngaakurudzire mwoyo yenyu uye akusimbisei mumabasa nomumashoko ose akanaka.
Explore 2 VaTesaronika 2:16-17
5
2 VaTesaronika 2:11
Nokuda kwaizvozvi, Mwari anovatumira mweya une simba wokunyengera kuti vatende nhema
Explore 2 VaTesaronika 2:11
6
2 VaTesaronika 2:9-10
Kuuya kwomunhu wokutsauka kuchaitika sebasa raSatani kuchiratidza nemhando dzose dzezvishamiso zvenhema, zviratidzo neminana, uye nokuipa kwose kunonyengera avo vanoparara. Vanoparara nokuti vakaramba kuda chokwadi uti vagoponeswa.
Explore 2 VaTesaronika 2:9-10
7
2 VaTesaronika 2:7
Nokuti chakavanzika chesimba rokutsauka chotoshanda basa; asi uyo anomudzivisa zvino acharamba achiita izvozvo kusvikira iye abviswa.
Explore 2 VaTesaronika 2:7
YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy
Home
Bible
Plans
Videos