1
1 Makoronike 29:11
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha, kukudzwa noushe nokubwinya, nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu. Umambo ndohwenyu, imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose.
Compare
Explore 1 Makoronike 29:11
2
1 Makoronike 29:12
Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri; ndimi mutongi wezvinhu zvose. Mumaoko enyu mune simba noushe kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose.
Explore 1 Makoronike 29:12
3
1 Makoronike 29:14
“Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivanaaniko kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu.
Explore 1 Makoronike 29:14
4
1 Makoronike 29:13
Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai, uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa.
Explore 1 Makoronike 29:13
5
1 Makoronike 29:10
Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti, “Rumbidzwai imi Jehovha, Mwari wababa vedu Israeri, kubva kusingaperi kusvika kusingaperi.
Explore 1 Makoronike 29:10
YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy
Home
Bible
Plans
Videos