1
Nehemiya 2:20
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Ndakavapindura ndichiti, “Mwari wedenga ndiye achaita kuti tibudirire. Isu varanda vake tichasimuka tivake, chenyu imi muJerusaremu hapana, ungave mugove zvawo kana chamungatiwo zvacho chenyu kunyange chirangaridzo zvacho.”
Compare
Explore Nehemiya 2:20
2
Nehemiya 2:17-18
Ndopandakazovataurira kuti murikungoonawo dambudziko ratinaro rokuti Jerusaremu rangova dongo kudai, Misuo yaro mikuru yakapiswa. Uyai tivakire Jerusaremu rusvingo tirege kunge ticharamba tiri vanhu vakafumuka. Ndakavataurira nezveruoko rwaMwari wangu rwaiva pandiri kuti zvindifambire zvakanaka namazwiwo andakataurirwa namambo. Ivo vakati, “Ngatisimukei tivake.” Vakagwinyisa maoko avo kuita basa rakanaka.
Explore Nehemiya 2:17-18