Nehemiya 2:17-18
Nehemiya 2:17-18 SCLB
Ndopandakazovataurira kuti murikungoonawo dambudziko ratinaro rokuti Jerusaremu rangova dongo kudai, Misuo yaro mikuru yakapiswa. Uyai tivakire Jerusaremu rusvingo tirege kunge ticharamba tiri vanhu vakafumuka. Ndakavataurira nezveruoko rwaMwari wangu rwaiva pandiri kuti zvindifambire zvakanaka namazwiwo andakataurirwa namambo. Ivo vakati, “Ngatisimukei tivake.” Vakagwinyisa maoko avo kuita basa rakanaka.





