1
Joeri 2:12
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
“Asi kunyange nazvino, ndozviri kutaura TENZI dzokerai kwandiri nomwoyo wenyu wose muchitsanya nokuhwihwidza nokuungudza.
Compare
Explore Joeri 2:12
2
Joeri 2:28
“Mushure mezvo zvichazoitika kuti ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vakwegura venyu vacharotswa hope, vechidiki venyu vachaona zviratidzo.
Explore Joeri 2:28
3
Joeri 2:13
Uye bvarurai mwoyo yenyu kwete hanzu dzenyu. Dzokerai kuna TENZI Mwari wenyu nokuti iye ane nyasha netsitsi. Haakurumidzi kushatirwa uye azere nomwoyochena, anozvidzora orega kuita zvakaipa.”
Explore Joeri 2:13
4
Joeri 2:32
Zvichaitika kuti ani naani anodana zita raTENZI achaponeswa nokuti muGomo reZioni nomuJerusaremu muchava navanhu vanopunyuka sokutaura kwakaitawo TENZI uye mukati mevanenge vapunyuka muchava navanhu vakadaidzwa naTENZI.”
Explore Joeri 2:32
5
Joeri 2:31
Zuva richasandurwa kuva rima, mwedzi ugoita ropa, zuva guru raTENZI rinotyisa kwazvo risati rasvika.
Explore Joeri 2:31