1
Muparidzi 5:2
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
Pakutaura pana Mwari rega kumedza kutsenga uchakuda kana kupindwa nomwoyo wokukurumidza kutaura pana Mwari nokuti Mwari ari kudenga iwe uri pasi pano. Saizvozvo zvaunotaura ngazvive zvishoma.
Compare
Explore Muparidzi 5:2
2
Muparidzi 5:19
Ichiwo chipo chaMwari chokuti munhu wose anopiwa upfumi nepfuma nesimba rokugona kufadzwa nazvo, agone kugamuchira mugove wake nokuwanawo rufaro runobva mubasa raanoshingairira kuita.
Explore Muparidzi 5:19
3
Muparidzi 5:10
Munhu anoda mari haaguti mari uye anoda upfumi nokubereka kwahwo izvozviwo hazvinzwisisiki.
Explore Muparidzi 5:10
4
Muparidzi 5:1
Chenjerera mafambiro ako kana uchienda kuimba yaMwari. Zviri nani kuendako pamusana pokuda kuteerera pano kundopira chibayiro chamapenzi nokuti havazivi kuti vari kuita zvakaipa.
Explore Muparidzi 5:1
5
Muparidzi 5:4
Kana wapika mhiko kuna Mwari rega kunonoka kuita zvawapika zvacho. Haafariri mapenzi. Ita zvawakapika kuita.
Explore Muparidzi 5:4
6
Muparidzi 5:5
Zviri nani kusapika mhiko panokupika mhiko uchizorega kuita zvawapika.
Explore Muparidzi 5:5
7
Muparidzi 5:12
Hakusi kunaka ikoko kwakaita hope dzomushandi kunyange adya zvizhinji kana zvishoma, kuwandirwa kwomupfumi nomupfumi kunomushaisa hope.
Explore Muparidzi 5:12
8
Muparidzi 5:15
Sokubuda kwaakaita mudumbu maamai vake ndomuendero waachaita ari musvi, sokuuya kwaakaita pasina chaangatakure chebasa rake chaangaende nacho mumaoko.
Explore Muparidzi 5:15