1
Genesi 45:5
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Zvino musazvidya mwoyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu.
Compare
Explore Genesi 45:5
2
Genesi 45:8
Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati wenyika yose yeIjipiti.
Explore Genesi 45:8
3
Genesi 45:7
Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru.
Explore Genesi 45:7
4
Genesi 45:4
Josefa akati kuvana vababa vake, “Doswederai henyu kwandiri.” Zvino vakaswedera. Iye akati, “Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti.
Explore Genesi 45:4
5
Genesi 45:6
Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo.
Explore Genesi 45:6
6
Genesi 45:3
Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, “Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here?” Vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.
Explore Genesi 45:3