โลโก้แอพพระคัมภีร์
ไอคอนค้นหา

Dhuteronomi 34

34
Kufa nokuvigwa kwaMosesi
1Zvino Mosesi wakabva pamapani okwaMoabhu, akakwira kugomo reNebho, pamusoro pePisiga, pakatarisana neJeriko. Jehovha akamuratidza nyika yose yeGiriadhi, kusvikira Dhani; 2neNafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha, kusvikira pagungwa rokumavirazuva; 3nenyika yezasi, neBani romupata weJeriko, guta remichindwe, kusvikira Zoari. 4Zvino Jehovha akati kwaari, “Ndiyo nyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, ‘Ndichaipa vana vako; ndikakuonesa iyo nameso ako, asi haungapindimo.’ ”
5Ipapo Mosesi muranda waJehovha akafirapo panyika yaMoabhu, sezvakataurwa naJehovha. 6Akamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti–peori; asi hapana munhu unoziva rinda rake kusvikira nhasi. 7Zvino Mosesi wakanga ana makore ane zana namakumi maviri pakufa kwake; meso ake akanga achigere kuonera madzerere, nesimba rake rakanga richigere kuderera. 8Vana VaIsiraeri vakachema Mosesi pamapani okwaMoabhu mazuva ana makumi matatu; naizvozvo mazuva avakachema pakuchema Mosesi akapera. 9Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakanga azere nomweya wokuchenjera; nokuti Mosesi wakanga aisa maoko ake pamusoro pake; vana VaIsiraeri vakamuteerera, vakaita sezvakarairwa Mosesi naJehovha.
10Hakuna kuzomukazve muporofita pakati paIsiraeri wakafanana naMosesi, wakanga achizikanwa naJehovha, zviso zvakatarisana; 11pazviratidzo zvose nezvishamiso, paakatumwa naJehovha kundozviita panyika yeIjipiti, kuna Farao, nokuvaranda vake vose, nokunyika yake yose; 12napazvose zvakaitwa noruoko rwake rune simba, napakutyisa kukuru kwose, kwakaitwa naMosesi VaIsiraeri vose vachizviona.

ที่ได้เลือกล่าสุด:

Dhuteronomi 34: SUB

เน้นข้อความ

คัดลอก

เปรียบเทียบ

แบ่งปัน

None

ต้องการเน้นข้อความที่บันทึกไว้ตลอดทั้งอุปกรณ์ของคุณหรือไม่? ลงทะเบียน หรือลงชื่อเข้าใช้