1
Numeri 21:8
Shona BIBLE
SUB
Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Uzviitire nyoka inopenga, ugoiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akarumwa kana akaitarira, achararama.”
เปรียบเทียบ
สำรวจ Numeri 21:8
2
Numeri 21:9
Mosesi akaita nyoka yendarira, akaiturika padanda; zvino mumwe nomumwe akati kana arumwa, akatarira nyoka iyo yendarira, akararama.
สำรวจ Numeri 21:9
3
Numeri 21:5
Ipapo vanhu vakapopotera Mwari naMosesi, vakati, “Makatibudisireiko Ijipiti, kuti tifire murenje? Nokuti hapana zvokudya, hapana mvura; mweya yedu inosema zvokudya izvi zvakaipa.”
สำรวจ Numeri 21:5
4
Numeri 21:6
Jehovha akatuma nyoka dzinopenga pakati pavanhu, dzikaruma vanhu, vanhu vazhinji VaIsiraeri vakafa.
สำรวจ Numeri 21:6
5
Numeri 21:7
Zvino vanhu vakauya kuna Mosesi, vakati, “Takatadza, nokuti takapopotera Jehovha nemi; kumbirai kuna Jehovha kuti abvise nyoka kwatiri.” Mosesi akakumbirira vanhu.
สำรวจ Numeri 21:7