1
Mateu 19:26
Shona BIBLE
SUB
Jesu ndokuvatarira, akati kwavari, “Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvose zvinobvira.”
เปรียบเทียบ
สำรวจ Mateu 19:26
2
Mateu 19:6
Nokudaro havachiri vaviri, asi vava nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasanganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”
สำรวจ Mateu 19:6
3
Mateu 19:4-5
Akapindura, akati, “Hamuna kurava here, kuti uyo akavasika pakutanga, akavaita munhurume nomunhukadzi?” Akati, “Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe.
สำรวจ Mateu 19:4-5
4
Mateu 19:14
Asi Jesu akati kwavari, “Regai vana vaduku, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekudenga ndohwavakadai.”
สำรวจ Mateu 19:14
5
Mateu 19:30
Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga.
สำรวจ Mateu 19:30
6
Mateu 19:29
Mumwe nomumwe akasiya dzimba, kana vakoma kana vanun'una, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvine zana, akagara nhaka youpenyu husingaperi.
สำรวจ Mateu 19:29
7
Mateu 19:21
Jesu akati kwaari, “Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nepfuma kudenga; ugouya unditevere.”
สำรวจ Mateu 19:21
8
Mateu 19:17
Akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Aripo mumwechete akanaka. Asi kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo.”
สำรวจ Mateu 19:17
9
Mateu 19:24
“Ndinoti kwamurizve, ngamera ingarerukirwa kupinda paburi petsono, kumupfumi kupinda muushe hwaMwari.”
สำรวจ Mateu 19:24
10
Mateu 19:9
Ndinoti kwamuri, ani naani anoramba mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe, akawana mumwe, anoita upombwe; noanowana wakarambwa, anoita upombwe.”
สำรวจ Mateu 19:9
11
Mateu 19:23
Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvinoremera mupfumi kupinda muushe hwedenga.
สำรวจ Mateu 19:23