1
Kubuda 4:11-12
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBD
Tenzi akati kwaari, “Ko ndianiko akasika muromo womunhu? Ko ndiani anoita kuti munhu ave mbeveve kana matsi? Ndiani anopa munhu maziso, kana kumupofomadza? Handiti ndini iyeni Tenzi here? Saka zvino chienda. Ini ndichakubatsira pakutaura kwako. Ndichakurayiridza zvokutaura.”
Linganisha
Chunguza Kubuda 4:11-12
2
Kubuda 4:10
Mosesi akati kuna Tenzi, “Tenzi wangu, ini handigoni kunyatsotaura. Hazvisi zvanhasi chete, ndakangobvira kare ndakadai, kanawo pamanga muchitaura neni ndizvo ndizvo. Ini ndinondandama nokutaura ndichikakama.”
Chunguza Kubuda 4:10
3
Kubuda 4:14
Ipapo Tenzi akashatirirwa Mosesi akati, “Inga mukoma wako Aroni, muRevhi, ariko wani! Ndinoziva kuti iye anogona kutaura zvakanaka. Chiteerera unzwe, izvozvi ari kutouya kuzokuchingura, paachakuona achafara zvikuru.
Chunguza Kubuda 4:14
Nyumbani
Biblia
Mipango
Video