Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Jesu: Mureza Wedu WekukundaChikamu

Jesus: Our Banner of Victory

DAY 7 OF 7


Kukunda Pamusoro Perufu


Jesu paakafira zvivi zvedu uye akaripira kuregererwa kwedu, akatiyamura kubva mukugara kure naMwari nokusingaperi. Pamusoro pekushaya tariro nekuda kwekufa, akatipa tariro yehupenyu neramangwana rusingaperi muhuvepo hwaMwari. Uye paakamuka kubva muguva, Jesu akaratidza kukunda nokupfuurisa pamusoro perufu, achitiratidza kuti rufu haruna simba rinopfuura rake. Muna Zvakazarurwa 1:18, Anoti, "Ndini iye Mupenyu; ndakanga ndafa, uye tarira, ndiri mupenyu nokusingaperi-peri! Uye ndakabata kiyi dzorufu neHadhesi."


Sezvo rufu chiri chinhu chakaoma chatinosangana nacho mukurarama kwedu sevanhu, sezvo patinosangana nekufirwa tinoyeuchidzwa kuti tiri vanhu venyama vasingararami nokusingaperi, tinokwanisa kusimbiswa nechokwadi chokuti Jesu ndiye ane makiyi perufu, uye akati gadzirira nzira yekufamba nayo kuti tiwane hupenyu husingaperi. Kune zvakawanda zvichauya! Jesu akavimbisa muna Johane 11:25, "Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa."


Nokuti Jesu akatiponesa kubva mukusapera kwerufu, hatirarami hupenyu hwedu mukutya. Takasununguka kurarama hupenyu husina kutya, hupenyu hwune kugutsikana nekuzara, tichiziva kuti kunyange chii chikauya pano panyika, tichararama nokusingaperi muhuvepo hwaMwari tichidyidzana nevamwe vehukama kuburikidza naJesu. Kunyange patinochema vadikani, tinochema tiine tarisiro, tichiziva kuti kana vakaisa kutenda kwavo muna Jesu, ticha sanganiswa navo uye tichiona kubwinya kwaMwari pamwechete.


Musi uno weSvondo rePasika, bvumira kuti kukundwa kwakaitwa rufu naJesu kupinde mumwoyo wako, kushandure maonero ako kubva mukusasimba kwehupenyu huno, uchiisa meso ako kuhupenyu hwedu hwekudenga husingaperi kuburikidza naJesu. Zvechokwadi rufu harwuna rumborera! Pembererai kukunda kwaKe, zadzwai nekutenda, uye muchikura mukutongeswa kuti munhu wese panyika anofanira kuva netarisiro yekuenda kudenga sesu. Ichi ndicho chaive chinangwa chake paakafira zvivi zvemunhu wese: kuti pasave nekana mumwechete anogara nokusingaperi ari kure naye. Hapana imwe nzira kuratidza kutenda kwako zvawakaitirwa naJesu ingapfuure kuudza vamwe panyika nezverudo raJesu. Iyi ndiyo nzira yekuwana nayo kugutsikana muhupenyu. Saka enda unorarama hupenyu hwako nekupfuurisa - nekuti Mupenyu!


Chengetedza mufananidzo wanhasi here.


Zuva 6

About this Plan

Jesus: Our Banner of Victory

Patinopembera Easter, tinopembera kukunda kukuru munhoroondo yese yevanhu panyika. Kuburikidza nokufa kwaJesu nokumuka kwake kuvakafa, Akakunda zvachose simba rechivi nerufu, nezvose zvinounzwa nezvinhu izvi, uye akasaru...

More

Tinoda kutenda Kereke yeHighlands nekutiwunzira hurongwa uhwu. Kuti muzive zvakawanda, tapota shanyirai: https://www.churchofthehighlands.com

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy