Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Jesu: Mureza Wedu WekukundaChikamu

Jesus: Our Banner of Victory

DAY 3 OF 7


Kukunda Pamusoro PeNyadzi


Muvengi anoda zvekutaura. Shoko raMwari rinotaura kuti Satani anofamba-famba seshumba inoomba ichitsvaga waingadye. Muna Zvakazarurwa, anodanwa semupomeri wedu; tinoudzwa kuti anotipomera pamberi paMwari masikati nemadekwana. Satani ane huchenjeri, uye anoziva kuti imwe yenzira dzeku uraya, kuba uye nekuparadza zvakaiswa naMwari matiri kugara achitirangaridza zvivi zvedu, kuti tigare tichizviudza kuti hatina kukodzera. Anoda kuti tigare tiri vanhu vane nyadzi.


Unoona kuti chii, mhosva ine chekuita nezvatakaita, asi nyadzi ine chekuita nemaonero atinozviita. Vakawanda vedu vanogamuchira kuti Mwari anotiregerera zvatakamboita asi tinoramba tichibvumira Satani kuti atipomere mhosva nekutinyaradza nenhema dzekuti tirivanani kubva mukuzvarwa. Nhema idzi dzinotitadzisa kugamuchira nekufamba muchinangwa chaMwari pamusoro pehupenyu hwedu. Tinodanwa kuti tishandise zvipo nematarenda atakapihwa naMwari kuchinja nyika nenzvimbo yatinogara mairi, asi tikaramba tichinyara nekuzviona setisangakodzeri, hatimbofi takakwanisa kuzadzisa zvatakasikirwa kuita naMwari.


Jesu paakachinjanisa zvivi zvedu nekururama kwake pamuchinjikwa, akatiita zvisikwa zvitsva. Zvataimbove kumashure hazvichinei nezvatave nhasi. Tiri vana vaMwari, takaregererwa zvese, takafugidzwa nenyasha, takasimbiswa kuita mabasa makuru kuti humambo hwaMwari huonekwe. Izvozvi chete zvinofanira kutiratidza kuti tirivanani munaMwari. Izwi renyadzi rino rwisana nechokwadi ichocho inhema dzinobva kuna Satani.


Muvhiki rino rePasika, rangarira zvinotaura naMwari pamusoro pako, mwana wake, uye usunge pfungwa dzese dzisingapindirani neShoko raMwari. Jesu akauya kuti tive nehupenyu huzere. Rasa kunyara kwese, ushingirire kuzadza chinangwa chako chinobva kunaMwari!r


Chengetedza mufananidzo wanhasi here


Zuva 2Zuva 4

About this Plan

Jesus: Our Banner of Victory

Patinopembera Easter, tinopembera kukunda kukuru munhoroondo yese yevanhu panyika. Kuburikidza nokufa kwaJesu nokumuka kwake kuvakafa, Akakunda zvachose simba rechivi nerufu, nezvose zvinounzwa nezvinhu izvi, uye akasaru...

More

Tinoda kutenda Kereke yeHighlands nekutiwunzira hurongwa uhwu. Kuti muzive zvakawanda, tapota shanyirai: https://www.churchofthehighlands.com

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy