Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Jesu: Mureza Wedu WekukundaChikamu

Jesus: Our Banner of Victory

DAY 6 OF 7


Kukunda Pamusoro PeMuyedzo


Hazvidi munhu kuti tirangaridzwe kuti muyedzo chinhu chechokwadi—hazvisati zvakamboitika kuti chese chaunoda chiwanikwe nekungobaya bhatani. Asi tinombira tichizvivhunza nzira dzatinoedzwa nadzo naSatani here? Tinofanira kunzwisisa kuti muyedzo unoshanda sei, kuti tikwanise kuikunda.


Muna Genesise, Satani anoyedza Eve nekumuvhunza zvataurwa naMwari nechinangwa chaMwari, uye mhinduro yake ndiyo yakaunza chivi nekufa panyika. Muna Samere 2, Mambo Dhavidi vakasarudza kugara kumba "panguva yaiyendwa kuhondo nemadzimambo," achitumira vamwe kuti varwere pachinzvimbo chake. Dei Dhavidi aive paive anzi ave naMwari, dei asina kumboenda pamusoro pemba ega kuti azoona Bathsheba. Nekuda kwaizvozvo, tinoona kusatendeka nekuuraya kuchipinda munyaya yaDhavidi. Uye Mweya Mutsvene pawakatungamira Jesu mugwenga muna Mateo 4, Satani anoyedza Mwanakomana waMwari chaiye nekumuudza zvinotaurwa neShoko.


Satani anogara achiedza kuti tisave nechokwadi neShoko raMwari, chinangwa chake, uye mwoyo wake nesu. Kana Satani akakwanisa kuti sunga nenyaya iyi, mukwidza unosvedza unotiunzira mhirizhonga nekurwadziwa mukati nehupenyu hwedu. Asi Jesu anoziva kuti kupinda pakuyedzwa chinhu chakaita sei - seizvozvo, Jesu akapinda mumuyedzo yese yatinosangana nawo - uye akatigadzirira nzira yekuti tirambeti kuyedzwa tifambe murugare. Jesu paakaripira zvivi zvedu pamuchinjikwa, akabvisa simba rese remuvengi pamusoro pemunhu wese. Nekuda kwechibairo chake, hatisisiri vasungwa kusimba raSatani!


Chinhu chakakosha kuziva kuti kufamba mukukunda kwaJesu zvinoda kuti tive nechinangwa. Tinofanira kuziva mazuva ose kuti muvengi achaedza kutora chinzvimbo chake chakare muhupenyu hwedu uye isu tinofanira kugara takangwara, tichidzivirira hupenyu hwedu hwerusunguko muna Jesu, tichikumbira rubetsero kunaMwari panguva yekuedzwa, nekuva neshamwari dzakarurama dzinotibetsera kuti uzvidavirire pazvese zvaunoita. Mupostori Pauro akataura muvaEfeso 6 kuti tinofanira kupfeka nguwo dzekurwa nadzo dzaMwari kuti tikwanise kurwa nekunyengera kwaSatani.


Sezvo tichienderera nevhiki rePasika, zvirangaridze kuti Jesu akabvisa simba rese remuvengi pamusoro pe hupenyu hwako. Namata pamusoro pevaEfeso 6:10-18 wopfeka nguwo dzekurwa dzako. Tenda Mwari nekukupa simba rekurarama mukusunguka kubva mukuyedzwa, uye uchimukumbira kuti akuratidze nzvimbo dzeku wedzera kuchenjera madziri. Anokubetsera kuti uwone pausina simba uye achikusimbisa kuti utore nzvimbo yako pakurwisa muvengi. Nekuda kwekukunda kwaJesu, newewo uri mukundi!


Chengetedza mufananidzo wanhasihere.


Zuva 5Zuva 7

About this Plan

Jesus: Our Banner of Victory

Patinopembera Easter, tinopembera kukunda kukuru munhoroondo yese yevanhu panyika. Kuburikidza nokufa kwaJesu nokumuka kwake kuvakafa, Akakunda zvachose simba rechivi nerufu, nezvose zvinounzwa nezvinhu izvi, uye akasaru...

More

Tinoda kutenda Kereke yeHighlands nekutiwunzira hurongwa uhwu. Kuti muzive zvakawanda, tapota shanyirai: https://www.churchofthehighlands.com

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy