Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Jesu: Mureza Wedu WekukundaChikamu

Jesus: Our Banner of Victory

DAY 2 OF 7

Kukunda Pamusoro Pehupomerwa

Chimwe chezvinangwa zvaSatan ndechekuti tigare tiri murima remhosva nekuda kwehupenyu hwedu hwakare. Satan anoziva kuti kunyange tikatenda kuti Jesu akafira zvivi zvedu, asi tichiramba tichitakurana nemutoro wezvivi zvedu, hatikwanisa kunyaso gamuchira ropafadzo nekusunungurwa zvinouya nekuregererwa naJesu. Tinorarama mumumvuri wechivi chedu chatinoti chakashatisisa. Muna Johane 9:5, Jesu anozviti ndiye Chiedza CheNyika. Asi muna Mateo 5:14 na 16, Jesu anoti zvekare, "Imi muri chiedza chenyika. Guta rakavakwa pamusoro pegomo haringavanziki...Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga." Jesu hapana paizotarisira kuti tive chiedza chenyika iye asina kutipa nzira yekubuda nayo murima rekuzvipomera mhosva.


Mapisarema 103:10-12 inotiudza kuti rudo raMwari rwakakura kupfuura zvatingafunga, uye nokuti Mwari akabvisa zvivi zvedu akazviisa kure nesu zvekuti hatikwanisi kana kufungidzira. Jesu paakatifira pamuchinjikwa, akabvisa mutoro wezvivi pamusoro pevose vanomutenda. Tavekukwanisa kugamuchira ruregerero rwake, kurarama pasina mhosva, nekugamuchirwa nerudo muhuvepo hwaMwari.

Sezvo tichiswedera pedyo nenguva yekupembera kumuka kwaJesu kubva kuvakafa, tinorangarira kuti kufa kwake hakuna kutenga kuregererwa kwezvivi chete, asi nesimba rekukandira mutoro wezvivi kure nevanotenda. Chikwereti chezvivi zvako, kunyanya zvacho zvaunoti zvakakurisa, zvakabhadharwa neropa raJesu. Famba murusununguko rwake nhasi!


Chengetedza mufananidzo wanhasi here.


Zuva 1Zuva 3

About this Plan

Jesus: Our Banner of Victory

Patinopembera Easter, tinopembera kukunda kukuru munhoroondo yese yevanhu panyika. Kuburikidza nokufa kwaJesu nokumuka kwake kuvakafa, Akakunda zvachose simba rechivi nerufu, nezvose zvinounzwa nezvinhu izvi, uye akasaru...

More

Tinoda kutenda Kereke yeHighlands nekutiwunzira hurongwa uhwu. Kuti muzive zvakawanda, tapota shanyirai: https://www.churchofthehighlands.com

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy