Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Jesu: Mureza Wedu WekukundaChikamu

Jesus: Our Banner of Victory

DAY 4 OF 7


Kukunda Kutya


Munyika yedu yanhasi, takakomberedzwa nenhau uye nyaya dzezvese zvakaipa zvirikuitika dzizingaperi, chinhu chiri nyore kuti tizadzwe nekutya. Tinotya zvatisingazivi, tinotya kurwadziwa nekurasikirwa, tinotya kuti hatina zvinodikanwa kuti tibudirire. Asi Muponesi wedu aiva asina chivi paakaenda pamuchinjikwa kuripira zvivi zvedu, akatiratidza rudo rwakakwana. Simba rerudo rakakunda simba rezvivi nerima rese riri munyika, pamwechete nekutya.


1 Johane 4:18 anotiudza kuti "rudo rwakakwana runodzinga kutya." Kuburikidza nerudo rwaakaratidza pamuchinjikwa, Jesu akawana kukunda pamusoro pekutya, uye anotikoka kuti tigoverane naye mukukunda uku. Anoda kuti tigare tiine rugare mupfunga, mumoyo nemumweya. Asi zvasarira kwatiri kuti tigamuchire nekufambe musimba rekukunda kuburikidza nerudo rwake. Kuna VaRoma 8:38, mupositori Pauro akataura kuti aiziva kwazvo kuti hapana kana chinhu chingatiparadzanisa nerudo rwaMwari. Nesuwo, tine mukana wekuvimba murudo rwaMwari pasina chinotizunza uye kugara murugare runouya nerudo rwacho. Kana pane nguva yaunenge usina chokwadi maererano nerudo rwaMwari muhupenyu hwako, tarisa kumuchinjikwa.


Kutya pakunouya kuchigogodza, une chisarudzo: Bvuma kuti kutya kukukurire, kana kuti rangarira mabasa aJesu ekukunda kuburikidza nerudo rwake uye wosarudza kutenda kuti iye akakunda hondo yerugare rwako. Zvese pazvinoita kunge zvisiri kufamba zvakanaka mukati mehupenyu hwako, mira wakasimba pachokwadi chinoti kutya hakuna simba pamusoro pako. Gamuchira rugare rwaMwari, uchifamba neruzivo rwekuti rudo rwake rwakakukomberedza!


Chengetedza mufananidzo wanhasi here.


Zuva 3Zuva 5

About this Plan

Jesus: Our Banner of Victory

Patinopembera Easter, tinopembera kukunda kukuru munhoroondo yese yevanhu panyika. Kuburikidza nokufa kwaJesu nokumuka kwake kuvakafa, Akakunda zvachose simba rechivi nerufu, nezvose zvinounzwa nezvinhu izvi, uye akasaru...

More

Tinoda kutenda Kereke yeHighlands nekutiwunzira hurongwa uhwu. Kuti muzive zvakawanda, tapota shanyirai: https://www.churchofthehighlands.com

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy